vision 2030 muzvikoro: President vakapa mabhuku, e-learning kits

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
vision 2030 muzvikoro:  President vakapa mabhuku, e-learning kits President Mnangagwa vachiratidza chipo chavakapihwa nemudzidzi wepaGirls High (kurudyi) apo munyori mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango (pakati), nevamwe vainge vakatarisa pakuparurwa kwechirongwa chekupa mabhuku ekunyorera nemaSmart e-learning kits muHarare svondo rapera.

Kwayedza

Farirai Machivenyika
PRESIDENT Mnangagwa svondo rapera vakaparura chirongwa chekupa midziyo inoshandiswa nevana mukudzidza inosanganisira maSmart e-learning kits nemabhuku ekunyorera pachikoro cheGirls High, muHarare, nechinangwa chekuti dzidzo izadzikise chiono chegore ra2030 – chinodaidzwa kuti Vision 2030.

Kuparurwa kwechirongwa ichi kunotevera mushandirapamwe pakati pebazi redzidzo yepuraimairi nesekondari nerevanhukadzi, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizinesi ari pakati nepakati pamwe chete nemakambani akazvimirira.

Mae-learning kits aya – ayo anosvika gumi – akapihwa sechipo neveDevtech pamwe nerimwe sangano rakazvimirira rekuRwanda.

Kit imwe chete ine 40 tablets neprojector uye midziyo iyi ichapihwa kuchikoro chimwe chete mumapurovhinzi 10 emuZimbabwe.

 

President Mnangagwa vanoti budiriro munyaya yedzidzo inobva pakuve nezvekushandiswa zvakakwana mukufundisa nekudzidza.

“MaSmart e-learning kits nemabhuku ekunyorera aya zvichabatsira zvikuru mukusimudzira ruzivo rwevana, zvinove zvakakosha kana tichitarisa kusanduka kuri kuita zvinhu mazuva ano, pamwe chete nekuzadzikiswa kwechiono cheVision 2030,” vanodaro President.

“Izvi zvinofanira kuenderana nemamiriro ezvinhu zvedu uye zvichibata sesainzi, technology, ICT, utano, nyaya dzenharaunda, kuenzaniswa kwemikana, HIV neAIDS.”

President Mnangagwa vanoti kusimudzira dzidzo kwakakosha mukuderedza nyaya dzehurombo uye nekuti pave nenyanzvi dzemabasa akasiyana.

Vanoti fundo inofanira kuumba mudzidzi anokwanisa kufunga zvinobatika kubvira pazera rechidiki.

Hurumende, vanodaro President Mnangagwa, yakazvipira kushanda nemapoka akasiyana nechinangwa chekusimbaradza chikamu chedzidzo.

“Uhu ndiwo hwaro huri kuita kuti Hurumende ishande nemakambani akasiyana mukusimudzira nyaya dzinoenderana nesainzi, mabasa emawoko, raramo yevana, utano hweveruzhinji, nyaya dzekuenzaniswa kwemikana, kuchengetedzwa kwenharaunda neruzivo rwakadzama pamusoro pekushandiswa kwemari,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti vakuru vezvikoro zvepuraimari nesekondari vanofanira kuve nezvirongwa zvinosimudzira zvidzidzo zvakadai sesainzi uye nekuti vana vakwanise kufunga pamusoro pezvekugadzira zvinhu zvitsva.

President Mnangagwa vanokurudzirawo vadzidzi kuti vashandise mukana wekuvepo kweruzivo rwechizvino-zvino serwemakombiyuta kuitira kuti vafambirane nenguva pakudzidza. Vachitauraro pachiitiko ichi, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti dzidzo ndiwo musimboti wekuzadzikisa chiono cheHurumende.

“Dzidzo ndicho chikamu chakakosha zvikuru mukuzadzikisa chiono chekuti vanhu vange vave neupenyu hwepamusoro panosvika 2030,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links