Uncategorized

Vobatsira vanotambura

11 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Vobatsira vanotambura Imba yakavakiswa nesangano reDSF pakiriniki yeWatyoka - Mufananidzo naKudakwashe Hunda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reDar al Salaam Foundation (DSF) riri kubatsira kurwisa chirwere cheCovid-19 muzvikoro, mumakiriniki nemunharaunda kumativi ose enyika.

DSF iri kushanda nesangano reAbode of Peace Foundation (APF) iro rinobatsira vanhu munguva yematambudziko.

VaAgrippa Kapuya, avo vanove sachigaro weDSF muZimbabwe, vanoti sangano ravo rinobatsira vanhu vanotambura senherera, vakwegura, vakaremara neshirikadzi.

Kudunhu rekwaMashayamombe, kuMhondoro, sangano iri rakavakisa imba yevakoti pakiriniki yeWatyoka senzira yekuti vashandi vepo vakwanise kugara zvakanaka vasina kuita chitsokotsoko nechinangwa chekudzivirira kupararira kweCovid-19.

“Pakiriniki yeWatyoka takavakisa imba ine dzimba nomwe, tiri kuvakisazve zvimbuzi uye takakwanisawo kupa kiriniki iyi magumbeze anofugwa nemadzimai anouya akazvitakura,” vanodaro.

Sister Veronica Nyamweda – avo vanova sister-in-charge wepaWatyoka Clinic uye vari zvakare mukuru wechikwata cheCovid-19 response team mudunhu iri – vanotenda basa riri kuitwa neDSF mukurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Sangano iri riri kubatsira zvakare zvikoro zviri mudunhu reMhondoro pasi pechirongwa chinoshevedzwa kuti Mashayamombe East Cluster Covid-19 Response nemidziyo yekurwisa kupararira kweCovid-19 nekubhadharira vana vanobva kumhuri dzinoshaya mari dzechikoro.

Zvikoro zviri kubatsirwa pasi pechirongwa ichi zvinosanganisira Muzavazi Primary, Nyundo Primary neMukono Primary.

Sangano iri rakavakisawa imba yevadzidzisi pachikoro cheNyundo Primary.

“Sangano redu rinobatsira mune zvakasiyana apo tiine divi rezveutano, rimwe rinoita nezvenherera uye tine chikamu chinoona nekurarama kwemadzimai nevana. Munguva ino yeCovid-19, tiri kupa chikafu apo kutaura kuno takabatsira mhuri dzinodarika 10 000 munyika yose kunzvimbo dzinosanganisa Mhondoro, Murehwa, Hwedza, Mt Darwin, Raffingora, Nyabira, Stapleford, Hopley, Epworth, Harare neNorton,” vanodaro VaKapuya.

VaAgrippa Kapuya

Vanoti vane homwe inobatsira madzimai kuvamba mabhizimisi madiki neari pakati nepakati.

“Tine mari yatinopa madzimai sechikwereti yekuti vatange mabhindauko ekuzviriritira iyo vanodzosa basa ravo rave kutanga kufamba. Hapana mari yepamusoro inoiswa pamari iyi uye chirongwa ichi chiri kuitwa nyika yose tichishanda neHurumende,” vanodaro VaKapuya.

Vanoti pamusoro pezvo, sangano ravo riri kuchera zvibhorani nechinangwa chekuti veruzhinji vawane mvura yakachena yekushandisa mudzimba pamwe chete nemumabhindauko ekurima.

“Kubva kumavambo egore rakapera kusvika izvozvi, tacheresa zvibhorani zvinokwana makumi mana nyika yose,” vanodaro VaKapuya.

Share This:

Sponsored Links