Uncategorized

Vochema ‘Mbuya Muyananisi’

17 May, 2019 - 00:05 0 Views
Vochema ‘Mbuya Muyananisi’ Mbuya Chapanduka

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekuZaka, kudunhu reMasvingo,  vanoti vane kurwadziwa kukuru zvichitevera kushaika kweimwe chembere yeko iyo yavanoti yanga ichisunganidza dzimba dzevakaroorana uye yaisada kunzwa nezvevanhu vanorambana.

Mbuya Netsai Chapanduka vemubhuku raManyiwa vanonzi vakashaika nguva pfupi yadarika vave nemakore 115 ekuberekwa. Mbuya ava vakazvarirwa kudunhu raMambo Bere, kwaChivi.

Vanonzi vainyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mbuya Mamvura nekuda kwekuzvishambidza kwavaigara vakaita.

Mbuya Chapanduka vaiva vakaroorwa naSekuru Donkeri Marange, avo vanonzi vakashaika mugore ra1962 mushure mekunge vabereka vana gumi vose. Chembere iyi yaipinda chechi yeJohane Marange zvose nemurume wavo uye inonzi yakaita mukurumbira wakanyanya munzvimbo iyi nekuyananisa vanhu vainetsana mudzimba, zvikuru vakaroorana.

Sabhuku Manyiwa, VaLevison Manyiwa (59), vanoti dunhu ravo rarasikirwa zvikuru nekuda kwekushaika kwechembere iyi.

“Ini sasabhuku wemusha waigara ambuya ava, ndakarasikirwa zvikuru nemunhu mukuru aidzikamisa musha wangu nenzvimbo yose munyaya dzekugadzirisa vanhu vakaroorana. Kunyangwe ini sasabhuku, ndaipihwa mazano naambuya ava. Vandisiira dambudziko guru revechidiki vanogara vachingorovana mudzimba nekurambana,” vanodaro.

Sabhuku Manyiwa vanoti madzimai akawanda emudunhu ravo aishungurudzwa nevarume vainopotera kumba kwechembere yekufa iyi.

“Pane nyaya dzatinoziva muno dzevarume vairamba madzimai apo vaivingwa kudzimba kwavo mbuya ava vonogarako kwemazuva vachigadzirisa nyaya idzi kusvikira vanhu ava vadzokerana. Vamwe vaivati ‘mbuya maenzanise’.

“Mafundisi emachechi vaivashanyira zvikuru nekugona kwavo kugadzirisa dzimba dzevakaroorana,” vanodaro.

Overseer Tizirai Shuro vechechi yeRivers of Life Terbanacle vanoti Mbuya Chapanduka vaiva mubatanidzi wevanhu, vasingade mhirizhonga nebopoto.

“Semafundisi, taiziva kuti vanhu vedu vatakachatisa wanano dzavo dzakasimba kuburikidza nambuya ivava. Wese airova mukadzi aivingwa nambuya ava orohwa, kurikitwa chaiko nemubhadha kusvika apfidza. Ukangoita zvisizvo mumusha, wainzwa vanhu voti tokuendera kuna Mbuya Chapanduka,” vanodaro.

Overseer Shuro vanokurudzira vamwe vanhu kuti vatevedzere hunhu hwaiitwa nechembere iyi hwekubatanidza mhuri, kwete kuparadza.

“Chionai mbuya ava vakashaikirwa nemurume mugore ra1962, ndokuchengeta musha wavakasiirwa kusvika vazoshaya izvozvi. Kureva kuti vakaita makore 57 vakagara pamusha pavo murume wavo afa. Vangani madzimai vangazvigone izvi? Kana iyesu varume kugara pamusha mukadzi afa? Zvinoratidza hunhu nekuzvipira,” vanodaro.

Mbuya Chapanduka vasiya vana vashanu, vazukuru nezvizukurubvi 235.

 

Share This:

Sponsored Links