Voda kubairwa jekiseni muZim

28 Mar, 2021 - 00:03 0 Views
Voda kubairwa  jekiseni muZim Cde Ndlovu

Kwayedza

Leonard Ncube

ZIMBABWE inotarisira kusimukira muchikamu chezvekurapwa kwevashanyi zvichitevera kubvunzwa kuri kuitwa nevekunze kwenyika kuti vanotenderwa here kubaiwa majekiseni emushonga wekudzivirira chirwere cheCovid-19 kana vakashanya muno.

Izvi zviri kuuya panguva iyo Hurumende yakaparura chirongwa chepiri chekubaiwa kwevanhu majekiseni aya kuVictoria Falls.

Hurumende yakasarudza kuparura chirongwa ichi kunzvimbo inokwezva vashanyi vakawanda iyi nechinangwa chekuti vekunze vasatye kushanyira Zimbabwe.

Mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa vakabaiwa jekiseni ravo rekutanga rekudzivirira Covid-19 pamwe chete nemamwe makurukota eHurumende pachipatara cheVictoria Falls Hospital mushure mekuparurwa kwechirongwa ichi.

Izvi zvinoratidza kuti Zimbabwe iri kutungamira panyaya dzeutano zvichitevera kunyuka kweCovid-19 iyo yakonzera kudzokera kumashure zvikuru munyaya dzeupfumi pasi rose.

Victoria Falls yakaita ndiyo guta rekutanga rezvekushanyirwa pasi rose kuparurwa chirongwa chekubaiwa majekiseni ichi, unove munongedzo wematanho akasimba ari kutorwa kuti rive guta rinofanirwa kushanyirwa pasi rose.

President Mnangagwa vakabva vakoka vatungamiriri vemapato anopikisa kuti vavepowo pakuparurwa kwechirongwa ichi, izvo zvakaratidza pasi rose kuti nyika ino yakabatana.

Chikamu chezvekushanyirwa kwenyika chakakosha zvikuru mubudiriro yeZimbabwe.

Zvichitevera kuparaurwa kwechirongwa chepiri chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzvirira chirwere cheCovid-19, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Cde Nqobizitha Mangaliso Ndlovu, vakaita musangano nemapoka ari mune zvekushanyirwa apo vakaudzwa pamusoro pevashanyi vekunze vari kubvunza kuti vanokwanisawo here kubaiwa majekiseni aya muZimbabwe.

Muhurukuro, Cde Ndlovu vanoti nyaya dzeutano ndiyo imwe nzira iri nyore inokwanisa kushandiswa mukusimudzira chikamu chezvekushanyirwa kwenyika.

“Zviri kufadza ndezvekuti kubva zvakaitika nezuro (Chitatu), zvine chirevo pakuti havasi vagari vemuVictoria Falls chete vari kubaiwa majekiseni aya, asi kuti tiri kutambira nhare kubva kunze kweZimbabwe, pasi rose dzevashanyi vari kuda kuzobaiwa majekiseni aya.

“Saka Victoria Falls haringori guta rinokwezva vashanyi nekuda kwemapopoma aro asi kuti yave nzvimbo zvakare yave kukwezva vashanyi vanoda kuzobaiwa muno. Ndiri kubva kuita musangano nevari muchikamu chezvekushanyirwa uye ndinonzwa kuti vari kutambira nhare kubva kuvanhu vanoda kuuya vogara kwemazuva maviri vachibaiwa majekiseni vobva vadzokera,” vanodaro Cde Ndlovu.

Hurumende yakatenga majekiseni 1,2 miriyoni emushonga wekudzivirira Covid-19 kubva kuChina uye mamwe acho akasvika munyika muno neChipiri chadarika apo asara anotarisirwa kusvika kupera kwaKubvumbi.

China, India neRussia dzakapa zvakare Zimbabwe rubatsiro rwemajekiseni aya nedonzvo rekuchengetedza upenyu.

Majekiseni ekudzivirira Covid-19 ari kubaiwa pachena kuvanhu vanoda.

Share This:

Sponsored Links