Voda kubata bofu chibharo

10 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Voda kubata bofu chibharo Mai Jamela Bakali

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuEpworth – uyo akarasikirwa nemaziso ose nekuda kwegomarara uye anoita basa rekupemha muguta reHarare – anoti anogara achifurufushwa nanachenzira nevamwe varume “vasvinu” vanenge vachida kumubata chibharo.

Mai Jamila Bakali (52) vakambobuda mubepanhau rino makore adarika vachitsvaga rubatsiro rwekunorapwa mushure mekurasikirwa nemaziso ose nekuda kwegomarara.

“Mastreet kids nembavha vanouya pano vachindonyera mapepa mumaburi emaziso angu vachinditi ndiri chigure. Vanotaura mashoko anorwadza zvekuti pamwe ndinoti kufa kuri nani.

“Vanondibira mari nezvimwe zvinhu zvandinenge ndakandirwa nevane mwoyo chena. Kakawanda vamwe varume vasvinu chaiwo vachindizvuva vachiedza kuenda neni kunzvimbo dzakahwanda kuti vandibate chibharo, ndinotozoridza mhere,” vanodaro vachiratidza kurwadziwa.

Vanoti chishuwo chavo ndechekuti vakwanise kubatsirwa mukuita zvidzidzo zvekuverenga zveBraille.

Mai Bakali vanoti vachiri kuda rubatsiro zvichitevera kuchereka kuri kuita makomba ayo akabviswa maziso nekuda kwegomarara.

Vanotizve vanofanira kugara vachienda kunopiswa gomarara iri nemichina kuParirenyatwa Group of Hospitals asi zviri kuramba nekuda kwekushaiwa mari.

“Mugore ra1990, ndipo pakatanga kurwadza ziso rangu rekuruboshwe. Rakamera chinyama nechepazasi ndokubva razvimba richirwadza zvikuru zvekuti handairara.

“Nekuda kwehurombo, ndakakundikana kuenda kuchipatara nenguva. Ndakatanga kufambira kuti ndirapwe nekuenda kuSocial Welfare kunova kwandakazopihwa magwaro ekuti ndinobatsirwa kuMarondera,” vanodaro.

Vanoti machiremba ekuMarondera paakaona kudzama kwehurwere hwavo, vakavati vaende kuSekuru Kaguvi Eye Unit iri kuParirenyatwa.

“Kuchipatara ichi, ndakavhenekwa vakaona kuti ziso rangu rakatenge rawora nechemukati, rave kungobuda hurwa neropa. Vakati rainge rotoda kubviswa.

“Semunhu aida kuti dambudziko ripere, ndakati varibvise uye kamwe kanyama kakatenge kamera nechekumusoro kweziso iroro. Ndakazoribviswa muna2000.”

Mai Bakali vanoti panguva iyi vakafunga kuti kuvhiiwa uku ndiko magumo edambudziko ravo asi hazvina kudaro sezvo rimwe ziso rakabva ratanga kuvarwadza.

“Muna2006, ziso rangu rekurudyi rakatangisa kumera kanyama richirwadza zvakare. Ndakadzokera kunachiremba uya, vakamboedza kuita zvekuripara asi zvakaramba. Ndakaitwa ‘biopsy’ (kubviswa kwetwunyama twaimera) pamaziso angu twuchibva twanoongororwa vakaona kuti igomarara. Vakaribvisa ndikasara ndisisina maziso ose,” vanodaro vachisiririsa.

Vanoti ivo vakakura vachiona zvakanaka.

Vakadzidza paSt Columbus Primary School, kuMacheke, ndokugumira Grade 6 sezvo vabereki vavo vakakundikana kuvawanira mari yechikoro.

“Kumusha ndekwaShe Makoni, kwaRusape. Mumhuri medu takaberekwa tiri vanomwe, saka vabereki vedu vakakundikana kutipinza chikoro tose zvekuti tingori vatatu bedzi vakakwanisa kudongorera musuwo wechikoro.

“Ndakazoroorwa ndikaita vana vashanu, mumwe wacho akashaya ave nemakore 14 mushure mekudya chikafu chine muchetura. Mumwewo akaroorwa akadzoka pamba.

“Mwana wangu akashaya ndisingachaoni saka paakauya achiti ari kurwadziwa nemudumbu ndakaedza kumutova nemvura inopisa nekumupa mapiritsi ndikatozoshamisika ndoudzwa kuti atandadza mushure mekurutsa zvinhu zvitema apo akange aenda kuchimbuzi,” vanodaro.

Vanoti mutumbi wake wakavhenekwa nemachiremba zvikaonekwa kuti akange afa nemuchetura.

“Murume wangu akashaya muna2011. Kubva pandakarasikirwa nemaziso, ndinorarama nekupemha muguta. Asi kunyangwe ndisingaoni kudaro, kana ndikawana mabasa emaricho ndinoita.

“Ndinoshuvira kuti dai ndangowana mabhindauko andinoita kuti ndirarame nekuti kupemha hakuna chimuko, vanhu munyika havana mari yekungopa.

“Rimwe buri rakabviswa ziso rekurudyi rava kuvava zvikuru richiita maronda nechemukati. Handina maboni-boni ekupfeka kudzivirira mhepo netwumavhu twunondiwira. Pandinoroja vanoda $70 pamwedzi, kana ndikakundikana kuwana mari iyoyo mukupemha ndinodzingwa ndonogara mumugwagwa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links