Uncategorized

Vodashurwa nezvidhoma

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Vodashurwa nezvidhoma Cathrine Chimene — Mifananidzo naKingstone Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
IMWE mhuri yekwaRusape inoti yaoneswa nhamo nekurohwa nezvidhoma uye vamwe vavo vakatosvika pakufa kuburikidza nekudhonorwa uku. Pane dzimwe nguva, vanodaro, vanotoudzwa nevanhu vekuziva kuti, “Muchazviona, hamuzive here kuti mazino angu apera nekudya nyama dzevanhu.”

Vaona nhamo nekupukutwa nezvidhoma imhuri yekwaMakutsi, avo vagere mubhuku raChimene, kwaMakoni.

Angella Moyo (28), uyo anova muroora kumhuri iyi, anoti ndiye mumwe wevari kurohwa nezvidhoma zuva nezuva.

“Ndaona nhamo nekurohwa nezvidhoma, ndinotanga kunzwa kutemwa nemusoro zvakanyanya, makumbo angu achirwadza ndobva ndaziva kuti zvatanga. Ndinorohwa kusvikira ndawota muviri wose apo vanondiona vanoti chiso changu chinosanduka kuita (kunge) chemhuka uyewo ndichitaura nerimwe izwi rakasiyana nerangu.

“Ndine vanhu vandinoona vachiuya kwandiri vachiti vanoda kundiuraya sezvo vachiti vanoda kunoroya neni izvo ndiri kuramba. Vanhu ava ndinovaziva, vanokwana 7 madzimai uye hama dzedu chaidzo,” anodaro.

Paanorohwa, mudzimai uyu haadziuke maronda asi kuti anozvimba, zvikuru kudama rekurudyi iro anoti rinorohwa kudarika dzimwe nhengo dzemuviri wake achizvimbawo makumbo.

“Ndakambofunga zvekusiya imba nekuda kwedambudziko iri ndichiti ndidzokere zvangu kumusha kwedu kuMberengwa, asi ndakazongoti regai ndishinge. Asi hama dzangu dziri kuti ndiuye sezvo vachiti ndichafira mahara kuno nekuti vanhu ava vari kurwisa vamwene vangu nemhuri yavo sezvo tezvara vakashaika,” anodaro.

Mai Cathrine Chimene (55), vanova vamwene vaMoyo, vanotiwo havana rugare nekuda kwedambudziko iri.

“Nyaya iyi yakabvira kure uye ini ndakaroorwa mumusha mandakazvarwa. Mumba medu taiva 8 asi tasara vatatu nekuda kwenyaya yezvidhoma iyi. Mwana wehanzvadzi yangu musikana wandaigara naye akarohwa kudzimara atiza akaenda kumba kwavo,” vanodaro.

Vanoti vanhu vari kuita izvi vari kubuda pachena uye pane mumwe anoti mazino ake apera nekudya nyama dzevanhu.

“Murume wangu, Peter Makutsi akangodonha ari kubasa kuKwekwe ndokufa ipapo mushure mekunge atenga sitendi yemba iyo ndakazosara ndichivaka nemari yake yepenjeni. Ini wacho zvinondivhiringa, ndinorohwa mumakumbo.

“Mumwe wedu mumhuri anotaura pachena kuti hamusati makwana, muchapfidza zvenyu,” vanodaro.

Mhuri iyi inoti yapedza mombe nekutengesa ichifambira kugadzirisa dambudziko iri.

“Hama dzemuroora dzinoti nditakure muroora kuenda naye kumusha kwake asi mari yacho handina,” vanodaro Mai Chimene.

Zvidhoma izvi zvinonzi zviri kutaura kuti muroora uyu akafa, mombe dzavasara nadzo dzose dzinotorwa dzoendeswa kumusha kwake.

“Ndakabhadhara imwe n’anga mombe mushure mekunge yauya ichiti yaizvigona, asi hapana chakagadzirika,” vanodaro Mai Chimene.

Vanoti vane mwana musikana uyo ari kushungurudzwawo nezvinhu izvi. Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0778 329 915.

Share This:

Sponsored Links