Vodhakwa nesanitiser

26 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Vodhakwa nesanitiser Dr Gibson Mhlanga

Kwayedza

Paidamoyo Chipunza
VAMWE vanhu vari kudzoka muZimbabwe vachibva kunze kwenyika vanonzi vari kuisa utano hwavo panjodzi huru nekunwa kwavari kuita mushonga unoshandiswa kubvisa kana kuuraya hutachiona – sanitiser – senzira yekupedza kudhinhikana kunounzwa nekugarisa munzvimbo dziri kuchengeterwa vanhu ava apo vanenge vachivhenekwa chirwere cheCovid-19.

Sanitiser yagara ine mwero wakawandisa wezvinodhaka se“ethanol” iyo inosevenzeswa pakubika doro.

Zvisinei, mumushonga wekubvisa hutachiona uyu munewo hydrogen peroxide neglycerine – zvose zvisina njodzi kumunhu kana zvisina kuwandisa uye zvichishandiswa kunze kwete mumuviri memunhu nekuti zvinokora kana zvikanwiwa.

Ethanol iri musanitiser yakawandisa kudarika inowanikwa muzvinwiwa, izvo zvinogona kukonzera njodzi huru kana munhu akainwa.

Achitaura padandemutande reTwitter, mumwe ari kugara kunzvimbo iri kuchengeterwa vanhu vari kudzoka vachibva kunze kwenyika iri kuBulawayo, anoti vamwe vari kunwa sanitiser vaine chivimbo chekuti “inouraya hutachiona”.

Nemusi weMugovera wadarika, anongoda kuzivikanwa saCovid Prisoner akaburitsa zviri kuitwa nevamwe varume vechidiki avo vaanoti zvidhakwa zvinonwa sanitiser yekuzora mumaoko. Anoti mumwe wevarume ava ari kurwara aine zviratidzo zvekudhakwa.

“Nhasi ndaona varume vechidiki avo vanga vakakoriwa kudhakwa nesanitiser yemaoko. Mumwe wavo ataura chokwadi. Ati ndoda kuuraya coronavirus kana iri pahuro pangu, zvichida ndine hutachiona,” anodaro Covid Prisoner.

Musi iwoyo, Covid Prisoner anoti mumwe wevarume ava akatozotorwa orwara.

“Mukomana uyu ange adutira sanitiser achifunga kuti inouraya coronavirus.”

Anoti akaona mumwezve murume wechidiki uyo ainge akararadza, asi akabata sanitiser.

“Ndange ndichitaura hangu nevashandi vebazi reSocial Welfare apo taona mukomana uyu achidarika asina kudhakwa. Azodzoka mushure mechinguvana, achidzadzarika zvekutadza kumira nekudhakwa, asi bhodhoro resanitiser risina chinhu riri muruoko rwake. Azobatsirwa hake.”

Kana dai zvazvo pasati pave nemashoko ezviri kuitika izvi ati asvika kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vakafanobata chigaro chemunyori mukuru, Dr Gibson Mhlanga vanoyambira vachiti kunwa sanitiser kunokwanisa kukanganisa utano hwemunhu.

“Kutora zvinodhaka zvakanyanyisa injodzi huru kuutano. Hazvina kumbosiyana nekunwa muchetura, izvo zvinokuvadza mimwe mitezo yakaita sechiropa.

“Mumwe anokwanisa kuita seafenda, kana kutozotadza kufefemuka zvachose,” vanodaro Dr Mhlanga.

Vamwe vevanhu vari kudzoka munyika vanoti kunwa sanitiser kuri kukonzerwa nekugarisa kuri kuita vamwe munzvimbo dzavanenge vakachengetwa                              idzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey