Uncategorized

Vodya huchi hwemuguva

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Vodya huchi hwemuguva Nyuchi dziri mune rimwe remakuva ari kumorwa huchi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAGARI vemubhuku raGoto, kwaMambo Mangwende, mudunhu reMurehwa, vanonzi vari kudyiswa huchi huri kumorwa nedzimwe nhubu mukati memakuva.

Vanhu vari kumora huchi uhu vanonzi vari kupwanya kana kutsemura makuva nesando.

Makuva anonzi ari kumorwa huchi aya anosanganisira raSabhuku Goto wekutanga pamwe chete neremwana wavo, Gibson Goto.

Vakafanobata chigaro chaSabhuku Goto, VaKanganise Zharima Goto (79), vanoti vari kunetseka zvikuru nekuda kwevanhu vasina matyira avo vanopaza makuva vachimora huchi.

“Kwakatanga nevamwe vakomana vaviri vane makore 19 nemumwe ane makore 21 ekuberekwa, avo mugore ra2016 vakavhura guva rasekuru vangu VaGoto, neremwana wavo Gibson Goto, anova ari pedyo nepedyo. Vaimora huchi kuma9 husiku kusvika tazoziviswa nevamwe vane misha iri pedyo vachiti vari kugaroona mwenje unenge wakavheneka kumakuva husiku.

“Vakatonditi asi muri kupisira makuva here mazuva ano? Saka zvakandishamisa ndikati ndingapisa makuva kuti zvadii. Ndipo pavakarondedzera kuti vari kugaroona mwenje kumakuva,” vanodaro Sabhuku Goto.

Sabhuku Goto vachinongedza makuva ari kumorwa huchi.

Vanoti vakazoita ongororo ndokuzoziva nezvevakomana vari kuita tsika yekumora huchi mukati memakuva vachibva vazivisa vabereki vavo.

Zvisinei, vanoti vaviri ava avo vanobva kune rimwe bhuku ravakabatana naro havasati vaendeswa kudare kuti vatongwe.

“Takakwira muchikomo ichi tikanozvionera mashura aya. Seguva rasekuru vangu, rakaita zvekupazwa zvekuti tava kutoona zvose zviri mukati semakuva ari paruware. Takatoona huchi huchitoyerera pamwe nenyuchi dzaingotenderera paziburi rakavhurwa paguva irori. Nekufamba kwenguva, ndipo patakazoona guva remwana wavo Gibson ratsemurwa nepakati, uye richibudawo huchi nenyuchi,” vanodaro.

Sabhuku Goto vanoti vakazotenga simende ndokuvhara makuva aya asi vakashamisika kuaona avhurwa zvakare. Vanoti vane hurongwa hwekugara pasi naMambo Mangwende kuti vapari vemhosva iyi vamiswe mudare.

“Imhosva huru kubata-bata makuva chero ehama yako, kunyanya avo vari kuuya nesando vachitsemura. Ndinoyambira vanhu kuti vangwarire nyaya dzekutengeserwa huchi pese-pese, kunyanya mumigwagwa.

“Vakomana ava vanonzi vanotodya huchi uhwu nanambuya vavo uye humwe vanoendesa kumisika kwaMusami nekuCross. Humwe hunotosvika kana kuHarare,” vanodaro.

Kwayedza yakazvionera makuva ari kupazwa achimorwa huchi aya.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanova mutungamiriri wesangano revarapi vechivanhu nevemachechi, reZimbabwe National Practitioners Association (ZNPA), vanoti hazvikodzere kuti vanhu vapaze makuva vachimora huchi.

“Hongu zvinhu zvinonetsa asi kupaza makuva pachivanhu chedu imhosva. Saka madzishe nemasabhku eko vanofanira kutoripisa vanhu ivavo, poitwa chivanhu chekuchenura makuva iwayo nekuti mweya yevafi haizozorori kana pwere dzichingobata-bata makuva.

“Chitori chipini ichocho. Kutenderera kuri kuita nyuchi kunoreva kuti vanhu ivavo vakafa vane upfumi hwavo,” vanodaro.

Pasi pemutemo wenyika, imhosva munhu kukanganisa guva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey