Vodya nyama ine Anthrax…Vamwe vanhu vave kurwara…l ‘Musadye mombe dzangofa’

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Vodya nyama ine Anthrax…Vamwe vanhu vave kurwara…l ‘Musadye mombe dzangofa’ Dr Nyika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VANHU vekwaChikwaka, kuGoromonzi, kudunhu reMashonaland East, avo vasati vozivikanwa huwandu hwavo vanonzi varwara mushure mekunge vadya kana kubata nyama yemombe dziri kufa nechirwere chetungundu ikoko.

Kwayedza inoudzwa kuti vanhu vane chitsama vari kurapwa mumakiriniki nemuzvipatara zveko mushure mekunge varegedza kuterera yambiro yemadhumeni yekuti vasadye nyama kana kubata mitumbi yemombe dzinonzi dziri kufa netungundu mudunhu iri.

Tungundu (Anthrax) chirwere chinotapuriranwa kubva kumhuka dzinosanganisira zvipfuyo chichienda muvanhu uye chinokonzera maronda nekuzvimba kwemitezo yemunhu anenge abatwa nacho.

Kumhuka, chirwere ichi chinoonekwa nekubuda ropa rakasviba uye rakagwamba mumhuno, mukanwa, kunhengo inobuda nendove nepose pakavhurika pamuviri, kuzvimba muviri uye kana dziri mombe dzinofa zvisina tsarukano.

Bazi rinoona nezvekurapwa kwemhuka, reDepartment of Veterinary Services (VET) rinotsinhira nezvekunyuka kwechirwere ichi kuGoromonzi ndokukurudzira veruzhinji kuti vasadye nyama yezvipfuyo zvinenge zvafa zvoga.

Mukuru weVET, Dr Josphat Nyika, vanoti veruzhinji ngavaregere zvachose kudya nyama kana kubata zvipfuyo zvinofa zvoga.

Vanoti mombe pfumbamwe ndidzo dzavakaziviswa nezvadzo kuti dzakafa nemusi wa 07

Zvita 2019 zvisinei nekuti vamwe vagari veko vanoti kusvika pari zvino varasikirwa nemombe dzinodarika zana.

“Varimi mushure mekuona kuti mombe dzavo dziri kufa zvisina tsarukano, takatuma chikwata chedu chikanoita ongororo uye pane fungidziro yekuti chinogona kunge chiri chirwere chetungundu zvichitevera kurwara kwakaita vanhu avo vainge vadya kana kubata mitumbi yemombe dzafa.

Zviratidzo zviri kutaurwa nevarimi pamombe dzavo zvinosanganisira kungofa pekare-pekare, kubuda ropa rakasviba mumhuno, mukanwa, kumashure nedzimwe nzvimbo dzine maburi pamuviri dzichizvimba muviri.

“Zviratidzo izvi zvinorerekera kuchirwere chetungundu uye kune varwere vakavhenekwa vakaonekwa kuti vava netungundu mushure mekudya mombe dzaifa dzoga idzi uye vakatopihwa mibhedha paBosha Clinic,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti vebazi ravo vakakundikana kuwana mitumbi yemombe idzi kuti vaivheneke nokuda kwekuti vanhu vari kudya nyama yacho zvekupedza.

“Takatambira mishonga 811 000 yekurwisa tungundu kubva kuBotswana Vaccine Institute svondo rapera.

Chikamu cheDepartment of Veterinary Services chakaunganidza mishonga yakawanda yekubaya mombe dzose dzainge dzakamboshaikwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi muchikamu chekutanga (First Round Vaccination),” vanodaro.

Dr Nyika vanoyambira varimi neveruzhinji kuti vasiyane nekatsika kekudya mombe dzinofa dzoga nekuti zvine njodzi kuupenyu hwavo sezvo chirwere ichi chichiuraya kana chikanonoka kurapwa.

“Varimi neveruzhinji ngavarege zvachose kuvhura kana kucheka mitumbi yemombe dzinenge dzafa dzoga nekuti zvinokonzera kuti nharaunda iyoyo ipararire utachiwana hwetungundu uhwo hunogara kwemakore anodarika makumi mana huri muvhu zvichitevera kusanduka kunoita mamiriro ekunze – kupise kana kutonhora.

“Veruzhinji havafanire kubata, kutenga kana kudya nyama yavanenge vaine fungidziro yekuti ine chirwere uye imhosva kutengesa nyama inenge isina kuurairwa kumasaraha (abattoirs).

Varimi vanokurudzirwa kukasika kuzivisa madhumeni kana vachinge vaita fungidziro kana kufirwa nemombe. Mitumbi yemombe dzine tungundu haivhiiwe asi kuti inopiswa yofushirwa,” vanodaro Dr Nyika.

Kwayedza inoudzwa nevagari veko kuti varasikirwa nemombe dzinodarika zana nekuda kwechirwere ichi uye vanhu vane chitsama vatova kurwara mushure mukudya kana kubata mombe dziri kufa.

Vamwe vevanhu ava vari kurapwa mumakiriniki eko.

Zvisinei neyambiro iri kubva kuVET nekumadhumeni inoti nyama yechipfuyo chafa netungundu haidyiwe, veruzhinji vanonzi vari kutoshwaudza mukanwa nayo.

Vamwe vanonzi vari kutengesa nyama iyi munharaunda nekune dzimwewo nzvimbo dzakaita sekuTafara, Mabvuku neEpworth muHarare.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaSimon Mutero (45), vanoti vakafirwa nemombe nhatu svondo rapera.

“Mombe dzangu nhatu dzakangotanga kudonha dzikafa zvisina tsarukano. Madhumeni akatanga kufamba achiudza vanhu kuti vasadye kana kuvhiya mombe dzinofa dzoga.

“Ini dzangu padzakafa ndaitoda kudzipisa asi vamwe vanhu vemuno vakauya vakaita nharo vachiti tipei tinodya tinoziva maurairwo anoitwa utachiwana.

Vakati vanofashaidza nyama yacho, voiomesa kuita kuti vasarware.

“Ndakazoshamisira kunzwa kuti kuchipatara kwaBosha kwazara vanhu vari kunzi varwara netungundu,” vanodaro.

Vanoti vanhu vanyanya kurasikirwa nemombe ndevari mumabhuku anoti Kadohwa, Dzvete naNyanhi ukowo kwakarwara amai nevana vavo vatatu.

“Tine mumwe murume zvekare akatopfuudzwa kuchipatara chekwaMurehwa mushure mekurwara, ane maronda paruoko,” vanodaro.

Mumwe mudzimai weko, Tendai Moyo anoti madhumeni eVET vakatotanga kubaya zvipfuyo senzira yekudzivirira kutekeshera kwechirwere ichi.

“Ini ndarasikirwa nemombe nhatu zvekare asi handina kudya nyama yacho zvichitevera mafiro adzakaita dzichibuda ropa nemukanwa saka ndakafungira chirwere ichochi cheAnhrax (tungundu).

Takangoudza madhumeni achibva ati tidzicherere pasi.

“Hongu, vanhu vari kurwara nekuti vamwe vari kuvhiya nyama yacho vachitengesa mushure mekuona kuti mombe yava kuda kufa.

Hatisati tanzwa hedu kuti pane munhu ati afa, asi vanhu vari kungoita maronda akadzika,” anodaro.

Dr Nyika, vanoti vakatotumira chikwati chavo kuti chinoshandira ikoku.

Pasi rose, vanhu vanodarika 20 000 vanobatwa netungundu.

Dr Nyika vanoti tungundu inogara muvhu uye munguva yekunyaya kwemvura ndimo mainonyuka zvichitevera kuyeredzwa kwainoitwa nevhu remapusoro, nokudaro zvipfuyo zvine ropa rinopisa (warm blooded animals) semombe, mbudzi, hwai nemadhongi zvinobatira chirwere ichi pakufura.

“Vanhu vane katsika kekudya kana kutengesa nyama yezvipfuyo zvinenge zvafa zvoga, izvo zvinoita kuti tungundu ipararire.

Ticharamba tichishambadza mashoko echenjedzo kuti vanhu vazive.

“Tinokurudzira zvekare varimi kuti vadhibhise mombe dzavo kudzivirira zvirwere zvezvishambwe kana kuti zvikwekwe,” vanodaro.

Vanoti dunhu iri handiro bedzi rinogona kunge riine chirwere ichi nekudaro vanhu vanofanira kungwarira sezvo zvipfuyo zviri kuramba zvichifambiswa munzvimbo dzakasiyana nemakoronyera zvisinei nemitemo yeAnimal Movement Act uye Animal Health Act, Chapter 19:01.

Zvichakadai, Hurumende ichiri kuita nhaurwa yekuona kuti kutengwa kwezvifuyo zvakaita semombe, mbudzi, hwai nenguruve – kusanganisira nyama yezvipfuyo izvi kubva kunyika yeSouth Africa – kungazotanga rinhi zvichitevera kunyuka kwechirwere chemahwanda (Foot and Mouth Disease) kuPolokwane, South Africa.

Chirwere cheFoot and Mouth chinobata zvipfuyo zvine mahwanda uye chinokonzerwa nevhairasi (viral disease).

Chirwere ichi chinofungirwa kuti chiri kubva kumhuka dzerudzi rwenyati dzinova dzine mukurumbira pakuparadzira utachiwana uhwu muSouthern Africa.

Dr Nyika vanoti kutengeserana zvipfuyo kana nyama pakati peZimbabwe neSouth Africa kwakambomira kusvikira patorwa matanho ekupedza chirwere ichi.

“Kufambiswa kwezvipfuyo zvine mahwanda uye nyama yazvo kubva kuSouth Africa kwakambomiswa kubva mumwedzi waMbudzi zvichitevera yambiro yakabva kuSouth African Veterinary Authorities maringe nekunyuka kwechirwere chemahwanda parimwe purazi riri kuMolemole District, kuLimpopo Province nomusi wa1 Mbudzi 2019,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti, kumiswa kwekufambiswa kwezvipfuyo uye nyama yazvo nenzira iyi utori mutemo unobatsira mukuderedza kupararira kwezvirwere kuzvipfuyo, zvikuru pakuti chirwere ichi chisabve munyika yeSouth Africa chichipinda muZimbabwe.

Vanoti zviratidzo zvechirwere zvemahwanda zvinosanganisira maronda pamahwanda nepamuromo wezvipfuyo ayo anenge achiita kunge ehutsva uye hutsva ihwohwo hunozoputika posara paine maronda matsvuku.

Maronda aya anoita kuti zvipfuyo zvibude masiriri, kugaminha nekukundikana kufura zvakanaka izvo zvinoita kuti zvipfuyo zviderere pahuremu nekupindwa nechando uye kupisa miviri.

Share This:

Sponsored Links