Vodzidziswa kuita mabasa emawoko

03 Mar, 2020 - 12:03 0 Views
Vodzidziswa kuita mabasa emawoko Mai Florance Chaurura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Vechidki vanogara mumusha weMufakose, muHarare, vari kubatsirikana nezvirongwa zviri kuitwa neMufakose Community Church zvekusimudzira dzidzo yavo nemamwe mabasa emawoko anosanganisira kurima, kusona nekubika.

Chechi iyi inotungamirwa naMai Florence Chaurura (50) avo vanoti zvirongwa zvavari kuita zviri kubatsira mukuderedza nyaya dzekuparwa kwemhosva sehumbavha nekutora zvinodhaka, pakati pezvimwe.  Mai Chaurura vanoti ivo chizvarwa chemuMufakose uye vave kugara kuGreendale asi havakanganwe kumatongo.

“Inini ndakakurira muMufakose zvekuti ndinotoziva makona ose nemararamiro anoita vanhu veko. Zvisinei nekuti ndakabuda munzvimbo iyi, ndinoona zvakakosha kuti ndidzokereko ndinovhura kereke yekuti vanhu vaparidzirwe shoko raMwari.

“Kereke iyi yakasiyana nedzimwe nekuti munguva zhinji tinenge tichiita mabasa ebudiriro.

“Tiri kufundisa vechidiki vemunharaunda iyi mabasa emawoko sekusona, kuruka, kubika nekurima pakati pezvimwe senzira yekusimudzira raramo yavo,” vanodaro.

Vanoti pavaigara munzvimbo iyi, vaiona vechidiki vachitora zvinodhaka kana kuti vachingoswera vachitenderera mumabhawa izvo zvakavarwadza vachibva varuka zano rekubatsira naro.

“Tine zvekare vana vasere vatiri kubatsira avo vari kuita O- neA-Level, tinovatsigira nemari dzechikoro, mari dzekunyoresa bvunzo nemabhuku. Tine murungu ari kuUK akaona mabasa atiri kuita achibva atibatsirawo nemabhuku.

“Kunyanya muzvirongwa zveSunday School, tinosimbaradza nyaya dzekuverengwa kwemabhuku pane kuti vanhu vaswere vachingoimba. Takatoumba makirabhu ekuverenga.

“China choga-choga tinoita mabhindauko ekusona, kuruka, kurima nemamwe mabasa emawoko anoita kuti vechidiki vawane chouviri.”

Mai Chaurura vanoti kana vanhu vachigara munzvimbo dzichakasarira, havafaniri kuramba vachiteverwa nemweya wehurombo asi kuti vanofanira kusimukira kuburikidza nekuyemura zvakanaka zvinoitwa nevamwe.

“Senzira yekukurudzira mabasa akanaka, nemusi weChina choga-choga tinoita zvirongwa zvekuratidza vanhu mafirimu yatinoti Movie Night apo vanenge vachiona mararamiro anoita vamwe vanhu avo vakatanga vari muhurombo vakazobudirira muupenyu zvekutosvika kuita vanhu vane mbiri.

“Donzvo redu riri rekuti zvibaye mupfungwa vanhu vafunge nezvemberi zvinova zvinovandudza raramo yavo zvisinei nekuoma kweupfumi hwenyika asi kuti vanotofanira kutora mukana uyu kuti varuke mari,’ vanodaro.

Mukereke yavo iyo inoshumirwa naPastor Paul Philips vanoti vanosarudza zvekare zvipo zviri muvana, mungava munyaya dzekuimba, kutamba, mumitambo yemadhirama vachizviumbiridza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>