Uncategorized

Vodzidziswa kuzvishandira

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Vodzidziswa kuzvishandira

Kwayedza

Abel Ndooka

MADZIMAI nevanasikana vanobva kudunhu rekwaSeke svondo rapera vakasimudzirwa kuburikidza nekudzidziswa mabasa emaoko nechinangwa chekuti vazvishandire uye zvigoshandura upenyu hwavo zvichitevera kudzoserwa kumashure kwahwakaitwa nechirwere cheCovid-19.

Chirongwa ichi, icho chakarongwa nesangano reVaChirenda Centre of Hope, chakaona vanhukadzi vachidzidziswa mabhindauko anosanganisira kubika, kugadzira mishonga yemuzvimbuzi, kuruka chuma nemabhasikiti zvekutengesa.

Vachitaura neKwayedza, mutungamiri weVaChirenda Centre of Hope – Mai Xoey Chimombe – vanoti donzvo ravo kuona vanhukadzi vachibudirira kuburikidza nekuzvishandira.

“Vakuru vakataura kuti musha mukadzi, saka isu chinangwa chedu kusimudzira munhukadzi kuti agozvishandira muupenyu hwake uye aite mabhindauko anomupa mari yekuti agozviraramisa nemhuri yake.

“Nguva ino yatiri kurarama zvinhu hazvina kumira zvakanaka, upenyu hweveruzhinji hwakakanganiswa nekuda kweCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti mudzimai anofanirwa kushandira mhuri yake zvakasimba. Mabhindauko atiri kuvadzidzisa tinovimba kuti achashandura upenyu hwavo,” vanodaro Mai Chimombe.

Mai Xoey Chimombe

Vanoti nekuda kwemitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19, vari kushanda nevanhukadzi vashoma nevashoma avo vanozonodzidzisa vamwe vari kumisha yavo.

“Sekuziva kwemunhu wose, iye zvino hatitenderwe kuungana vanhu vakawanda nekuda kwemitemo yakaiswa neHurumende yekurwisa denda reCovid-19. Saka takatanga nechikwata chemadzimai 30 avo vainge vakakamurwa mumapoka maviri.

“Tinovimba kuti madzimai aya atakashanda nawo svondo radarika pavakadzokera kumawadhi avo vachanodzidzisawo mamwe madzimai nevanasikana veko kuitira kuti vakawanda vagogona kuzvishandira.

“Asi isu sesangano rinosimudzira madzimai nevanasikana, takazvipira kuramba tichironga zvimwe zvirongwa zvekuvadzidzisa kuzvishandira nemaoko,” vanodaro Mai Chimombe.

Share This:

Sponsored Links