Vodzidziswa nezveMixed Martial Arts

14 Oct, 2021 - 09:10 0 Views
Vodzidziswa nezveMixed Martial Arts

Kwayedza

Abel Ndooka

VARAIRIDZI veMixed Martial Arts (MMA) vemuno vachawaniswa mukana wekudzidziswa zvizere ruzivo rwemutambo uyu apo vari kurongerwa zvidzidzo nesangano reZimbabwe National Boxing and Wrestling Control (ZNBWC) iro riri kuunza nyanzvi dzemutambo uyu dzekunze kwenyika.

MMA mumwe wemitambo iri kusimukira zvikuru pasi rose uye une mukurumbira kunyika dzakawanda nekudaro ZNBWC yakabatana neMixed Martial Arts South Africa iyo ichatumira nyanzvi muno kuzodzidzisa nezvemutambo uyu.

Mumashoko aakaverengerwa svondo rino muHarare naSharon Dube anove mutauriri weZNBWC apo paiparurwa chirongwa ichi, chamangwiza weZNBWC — Lawrence Zimbudzana — anoti MMA mutambo uri kufarirwa zvikuru pasi rose.

“Makore adarika tikatarisisa zvikuru, MMA mutambo uri kukura chaizvo kunyika dzakawanda uye unoteverwa zvakanyanya.

Saka isu tiri kutora chikamu chekuuunza muno.

“Musi wa29 na30 Gumiguru tichaita zvidzidzo muHarare apo tichaunza shasha dzine hunyanzvi mumutambo uyu kuzopakurira ruzivo rwavo,” anodaro Zimbudzana.

Pari zvino Zimbabwe ine vatambi vaviri vari kukwikwidza mumutambo uyu vanoti Themba Gorimbo anove Sportsman of the Year naSylvester Chipfumbi uyo akanyorawo nhoroondo yekuve shasha ahwina bhande reExtreme Fighting Championship Bantamweight munaChivabvu.

Zimbudzana anoti zvichitevera kubudirira kwaita vatambi vaviri ava, ZNBWC yazviona zvakakodzera kusimudzira mutambo uyu nekuushambadza zvakanyanya munyika kuitira kupawo mukana kune vatambi vangade kuzoutamba.

“Zvinofadza kuti tine shasha mbiri dziri kukwikwidza kune dzimwe nyika, saka izvi zvimwe zvezvikonzero zvakatituma kuti tisumudzire mutambo uyu zvigopawo mikana kune vamwe vatambi vangade kukwikwidza,” anodaro.

Kana varairidzi vemutambo uyu vadzidziswa, ZNBWC iri kuronga kutanga mitambo yeMMA muna2022.

Share This:

Sponsored Links