Vodzivirira Covid kumisika yefodya

15 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Vodzivirira Covid kumisika yefodya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARIMI vefodya vari kutambira nemaoko maviri hurongwa hwakaitwa neHurumende uye nemakambani anotenga fodya hwekuderedza huwandu hwevanotengesa zvirimwa zvavo kumisika pazuva senzira yekudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19.

VaGeorge Seremwe, vanova mutungamiriri wesangano reTobacco Association of Zimbabwe, vanoti nhengo dzavo dziri kuedza nepadzinogona kudzivirira chirwere cheCovid-19 pavanotengesa fodya yavo kumisika.

“Tiri kukurudzira varimi kuti munzvimbo dzakasiyana vasarudze vamiriri vashoma vanoenda nefodya yavo kumisika kuitira kuti tisiyane netsika iya yekuti vanonoungana nehuwandu hwavo. Tine dambudziko nevemakondirakiti uye vemabhangi nekuti havasi kubhadhara varimi vedu nenguva, ndizvo zvimwe zvichaita kuti vagumisire vava kunoungana kumisika vachida mari dzavo.

“Dai varimi vangopihwa mari dzavo pazuva ravanosiya fodya ndinovimba kuti zvaibatsira kuti tirwise chirwere cheCovid-19 nekuti vaingobva vadzokera kudzimba pakarepo. Tinofara zvikuru kuti munzvimbo dzakadai seKaroi neMvurwi muri kuitwa zvirongwa zvekuti varimi vanotengesa fodya vari pedyo nemisha yavo,” vanodaro.

VaEdward Dune, avo vanova chamangwiza wesangano reZimbabwe National Farmers Union, vanoti varimi vari kukoshesa nyaya dzekudzivirira Covid-19 mumabasa avo.

“Covid-19 haisisiri chinhu chitsva, varimi tave kugara tichitongoziva zvatinofanirwa kuita sekuti zvakangofanana nekuziva kuti mai mukadzi wababa saka tiri kuita zvose zvinofanirwa kuitwa,” vanodaro VaDune.

Mai Pauline Maronga vanorima vari kuKaroi vanoti vanofara zvikuru nehurongwa hwakaitwa neHurumende uye masangano anomiririra varimi vefodya mukuona kuti vakachengetedzeka kubva kuchirwere ichi pavanoenda kumisika.

“Patakaenda kunotengesa fodya yedu, varimi vaitoda zvekupinda vose mukati asi zvakarambwa nokuti maingopinda murimi aive nechijana chekutengesa fodya yake pazuva iroro. Ini ndakatengesara fodya yangu kuTobacco Sales Floor (TSF) uye hazvina kutitorera nguva refu tichibva tadzokera kumba zuva iroro.

“Taifiritwa nemishonga inouraya hutachiona muviri wose pakupinda kuti Covid-19 isapararire,” vanodaro.

VaAaron Mlambo, avo vanorima vari kuMunhenga Farm, kuShamva, vanoti havasati vaendesa fodya yavo kumisika asi vanovimbiswa kuti vachange vakachengetedzeka kana pari panyaya yekudzivirirwa kuCovid-19.

“Tinovimba kuti kana chijana chedu chekunotengesa chasvika, zvatakavimbiswa zvichazadzikiswa nekuti takaudzwa kuti chirwere cheCovid-19 chicharwiswa zvakasimba kumisika ikoko. Nesuwo varimi tichazvichengetedza kubvira kuminda kwatiri kukohwa fodya yedu nepakufamba apo tinoenda kumisika.

“Hatingamiriri Hurumende bedzi kuti ive iyo inotichengetedza asi zvava kutodawo iwe munhu wakazvimiririra. Tiri kufambawo nemasanitizer edu tichizora mumaoko, kuregedza kuungana uye kusakwazisana nemaoko,” vanodaro.

VaMlambo vanoti vakasarudzawo kunobaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19.

Misika yefodya yakavhurwa svondo rapera uye yakatanga nemitengo yakanaka apo chirimwa ichi chakatengwa nemutengo uri pakati nepakati weUS$4.30 pakg kana zvichienzaniswa neUS$4 pakg wegore radarika.

Share This:

Sponsored Links