Vofambisa mashoko eCovid nenhetembo

28 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Vofambisa mashoko  eCovid nenhetembo Mai Kapfudza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VANA vanodzidza pachikoro cheKids Paradise School chiri kuSally Mugabe Heights, kuBorrowdale muguta reHarare – avo vakatora mukombe kuZimbabwe Agricultural Show gore rapera apo vakaita nhetembo yekurima nenzira yePfumvudza – gore rino vanoti vari kumhanya nedingindira rekurwisa chirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 uye vari kutarisira kukumba zvekare mimwe mibairo.

Vachitaura neKwayedza kushoo yegore rino, Mai Media Kapfudza – avo vanova mukuru wechikoro ichi – vanoti nhetembo dziri kuitwa nevana vavo dziri pamusoro pekushushikana kwemurwere anenge abatwa neCovid-19.

“Chirwere ichi chakauya nenzira ine musiyano tikatarisa maramiro edu sevanhu vatema apo taiziva kuti kana munhu achinge arwara anofanira kushanyirwa nevanhu vachimupepa nekumupa rudo. Asi Covid-19 haidi izvozvo, murwere anotogara pake oga kuitira kuti asatapurire vamwe. Zvinoreva kuti kushaya vanhu vanomukomberedza murwere anoshushikana zvikuru.

“Saka nhetembo dzedu dzinotaura nezvenhuna dzose dzakaunzwa nechirwere ichi,” vanodaro.

Mai Kapfudza vanoti kushoo yegore rino vari kuratidzira zvekare nzira dzechirungu nedzechivanhu dzinoshandiswa mukudzivirira chirwere cheCovid-19.

“Tiri kudzidzisa vanhu kuti vatambire chirongwa chemajekiseni ekudzivirira Covid-19 kuti denda iri rikwanise kuderera. Tine mifananidzo yatakaisa pasitendi pedu tichiratidza kuti munhu anofanira kugara akapfeka masiki yakavhara mhuno nemuromo uye kushandisa ‘chigubhu-giya’ kuti chero vanhu vari kumamisha vasina mabhaketi vanokwanisa kushandisa zvigubhu zvakachekwa kuisa mvura yekuzvishambidza maoko.

“Kune vari mumaguta vanogona kushandisa mishonga yemasanitizer kuzvishambidza maoko avo kana kugeza nesipo nemvura inomhanya,” vanodaro.

Mai Kapfudza vanoti kuburikidza nemadetembo ari kuitwa nevadzidzi vavo, vanhu vazhinji vachawana mashoko echenjedzo maringe nechirwere ichi nenzira inovaraidza pamwe nekutandadza.

“Pachikoro pedu tine midziyo yose yatinoshandisa mukurwisa chirwere ichi kureva kuti kana vana vakafundiswa vanokwanisa kunodzidzisa vabereki vavo kudzimba. Tiri kuona kuti chirwere cheCovid-19 pari zvino chiri kuwanda muzvikoro saka tine basa guru rekufundisa vana nzira kwadzo dzekuzvichengetedza pose pavanenge vari.

“Vamwe vana vanobvisa mamasiki kana vabva pachikoro saka dzidziso inodiwa,” vanodaro Mai Kapfudza.

Vanotiwo vari kufundisa vana maringe neruzivo rutsva rwekurima rwakadai semichina yekudyara nemichina yekukohwesa zvinobatsira kuti vazive kuti kuuya kweruzivo urwu kunorerutsa nyaya dzekurima pachinzvimbo chekurima nezvibhakera sezvaiitwa makare.

“Tinofara kuti vana vedu vakure vachifarira kurima kuburikidza nekuvadzidzisa kuti mazuva ano hakucharwadzi nekuti tava kushandisa michina. Kare vanhu vaiita mudumbu kana nguva yekurima yakwana nekuti zvaida simba remunhu kubata badza.

“Tiri kuvafundisa zvekare nyaya dzekurima zvirimwa zvinotirira muzuva semapfunde, zviyo, mhunga, nyimo, nzungu nezvimwe zvinopa zvekare utano,” vanodaro Mai Kapfudza.

Share This:

Sponsored Links