Vofarira kuuya kweWC muZim

26 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Vofarira kuuya kweWC muZim Givemore Makoni

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reZimbabwe Cricket rinoti riri kugutsikana nekusimukira kuri kuita mutambo uyu munyika zvichitevera kupihwa kwakaita Zimbabwe chiremerera chekuronga mutambo we2027 International Cricket Council World Cup ichibatsirana neSouth Africa neNamibia.

Chiremerera ichi chine chirevo chikuru kuZimbabwe pamwe nemutambo uyu sezvo zvinorakidza kuti nyika ino iri kufamba mugwara chairo panhau yecricket. Pari zvino, chikwata chemadzimai chemaLady Chevrons chiri pakati pekutatsurana nezvimwe zvipfumbamwe mumitambo yekurwira kuenda ku2023 ICC World Cup kuIndia. Kubva pamitambo iyi, panofanirwa kubuda zvikwata zvitatu chete uye malady Chevrons ari kutarisira kunge ari pakati pezvikwata izvi.

Achitaura neKwayedza svondo rino, managing director weZimbabwe Cricket (ZC) – Givemore Makoni – anoti ZC iri kuita basa guru mukusimudzira mutambo uyu.

Anoti sangano ravo riri kugutsikana nemafambiro ari kuita mutambo wecricket izvo zviri kuona zvekare malady Chevrons achikwikwidza mumitambo yekurwira kuenda ku2023 India World Cup.

“Kutaura kwatiri kuita kuno tine zvikwata zvipfumbamwe zvemadzimai zviri munyika yedu zvinosanganisira Pakistan, Sri Lanka, West Indies, Ireland, Netherlands neBangladesh izvo zviri kurwira kuenda kuWorld Cup gore rinotevera. Saka tinotarisira kuti chikwata chedu chemadzimai chibate basa gore remangwana chigoenda kuWorld Cup kuIndia.

“Zvinorakidza kuti tiri kusimukira panyaya dzecricket kana tichipihwa chiremerera chekuronga mitambo mikuru yakaita seiyi,” anodaro Makoni.

Anoenderera mberi achiti, “Nyika yose takapihwa chiremerera nekuti mukana wekuronga World Cup unounza mufaro uye zvinobatsira kana kusimudzira nyika chaiko sezvo kuchange kune zvizvarwa zvichabva kunze zvakasiyana-siyana zvichauya zvichizoona mitambo iyi.”

Aka ndekechipiri Zimbabwe ichitambirwa mitambo yeWorld Cup sezvakamboitika mugore ra2003 apo mitambo iyi yakatambirwa munyika muno nekuSouth Africa pamwe nekuKenya.

Makoni anoti Zimbabwe ikaramba ichisimukira ine mukana mukuru wekuzohwina mutambo uyu.
“Aka ndekechipiri tichironga mutambo uyu, tine chivimbo chekuti nekusimukira kwatiri kuita mumutambo uyu tinogona kuhwina World Cup yacho ya2027,” anodaro Makoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>