VOFARIRA KUVANDUDZWA KWEMUTEMO WEVANA

07 Jun, 2022 - 09:06 0 Views
VOFARIRA KUVANDUDZWA KWEMUTEMO WEVANA MAI Maria Chiwera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI pamwechete nemapoka anomiririra kodzero vari kupembedza mutongo wakapihwa nedare reConstitutional Court wekukwidziridza makore ekubvuma kuenda pabonde kubva pamakore 16 okuberekwa kuenda pa18.

Pakutanga, zera rekubvuma bonde rakanga richimbori pamakore 12 ekuberekwa rikazokwidzwa kuenda pa16, asi pari zvino rave pa18 zvichifambirana nemutemo unotendera kuti munhu ange achiroorwa kana kuroorwa weLegal Age of Majority Act.

Mutongo uyo wakavapo mushure mekunge madzimai maviri emuHarare apokana nemutemo waiti vana vane makore 16 okuberekwa vane kodzero yekubvuma kupinda pabonde.

Madzimai maviri aya – Loveness Madzuru (19) naRuvimbo Tsopodzi (18) – vakanyorera kudare iri vachida kuti makore aya awedzerwe kuenda pa18.

Kwayedza yaita hurukuro neveruzhinji uye masangano anomiririra kodzero maringe nemutongo uyu.

“Tinofara zvikuru nezvekaitwa nedare kuti makore ekubvuma bonde zviri pamutemo ange achiendeswa pa18 kureva kuti vana vachawanawo mukana wekudzidza zvakanaka pasina zvibingaidzo.

“Kukurumidza kupinda pabonde kunokanganisa dzidzo yevana nekuti paya pavanoita pamuviri, vanogona kugara vachirwara-rwara vorovha chikoro zvinoita kuti varasikirwe nedzidzo.

“Zvisinei, makore 18 haasi pasipoti yekuti vana varoorwe kana kuita bonde. Ipapo panoda dzidziso nekuti mudzimba munogona kuita dambudziko guru vana vava kuregedza kuterera vabereki vachiti mutemo uri kuti takura, kwete.

“Munhu anotosvitsa makore 18 asi achiri mwana ari mumaoko mevabereki zvekare achienda kuchikoro. Dzidziso pakati pevabereki nevana inotodiwa kuti vanhu vasazopa dudziro isiri iyo pamutemo uyu,” vanodaro Mai Maria Chiwera vanova programmes officer kusangano reWomen’s Action Group (WAG).

VaDelight Muchazondisa vanova sachigaro wesangano reZimbabwe Youth Policy Tracking Group vanopembedzawo mutongo uyu vachiti uchabatsira vana kuti vachengetedzeke.

VaDelight Muchazondida

“Mutemo uyu wakanaka asi tinoda zvekare kuziviswa kuti paya panoparwa mhosva dziri maringe nenyaya dzepabonde dzichiitwa pakati pepwere, vanorangwawo zvakadii.

“Nyaya dzekurapwa kwevana vanokurumidza kuita bonde nguva isina kukwana dzinofanira kutaurwa nezvadzo nekuti vavariro ndeyekuchengetedza vana.

“Chikamu chemutemo waivepo kubvira mugore ra2016 cheSection 22 of the Marriage Act icho chaitendera kuti vana varoorwe vari pamakore 16 ekuberekwa change chakaipa zvikuru nekuti chaipokana nechikamu cheSection 78 chemutemo unoti munhu ane makore 18 ane kodzero yekutsvaga mudikanwi wekuroora kana kuroorwa naye.

“Kutaura kuno, mitemo yava kufambirana zvakanaka, chasara kuti itevedzwe,” vanodaro.

VaGift Mavhura vanova mubereki vanotsinhirawo vachiti zvakakosha kuti veruzhinji vapihwe dzidziso pamusoro pemutongo mutsva uyu.

Gift Mavhura

“Dzidziso inodiwa nezvemutemo uyu kwete kuti ungopotserwa kuvanhu nokuti vamwe vanopa dudziro isiri iyo.

“Mutemo uyu uripo bedzi pakuchengetedza vana kuti vasambunyikidzwe, zvikuru panguva iyo vasati vabva zera nekuti makore 12 ne16 ainge akanyanya, munhu anenge asiri kutoziva zvakanakira kana zvakaipira bonde.

“Saka mutemo uyu waitotyora kodzero dzevana uchipa mikana kumadhara nevamwe vanovambunyikidza. Ibasa remasangano akazvimiririra pamwe neHurumende kuti vapinde muvanhu vavaudze zvazvinoreva pamakore 18 aya, zvikuru muzvikoro,” vanodaro.

VaTendai Sauta vekuManicaland vanoti kudunhu kwavanogara ndiko kumwe kune vanasikana vanoroorwa vachiri ndumurwa, zvikuru kune mamwe machechi echipositori.

“Tinorangarira nyaya iya yekufa kwemwanasikana aine nemakore 15 okuberekwa, Anna Machaya, achibara mushure mekuroorwa asati ayaruka kuti yakarwadza nyika. Nyaya dzerudzi urwu izhinji kwazvo uye kana pava nemutemo kudai tinovimba kuti madhara achatya kutorana nepwere.

“Asi, tichaonawo vamwe vana vachidzingwa padzimba nekuti vanenge vasvitsva makore 18 uye vava nhinhi kuvabereki.

Saka pachine basa kuti vanhu vafundiswe nezvemutemo uyu kuti unorevei kwavari vasati vapinda mutsekwende,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links