Vofukunura makuva echembere

05 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Vofukunura makuva echembere VaGeorge Kandiero

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

KUMUKA vachiwana makuva akafukunurwa nemabhokisi akavigiswa vafi ari pachena watova mugariro kuvagari vepaOdzi Township, kwaMutare.

Mashura aya akaitika zvakare mangwanani emusi weChitatu chadarika apo mhuri yekwaMakaza yakafumowana bhokisi raambuya vavo rakakandwa panzvimbo yakashama kumarinda eOdzi Cemetry.

Vakaviga ambuya vavo vane makore 98 okuberekwa, Gogo Cecilia Makaza, nemusi wa12 Zvita mushure mekurwara nechirwere cheshuga neasthma.

Kwemwedzi miviri yadarika, vagari vemunzvimbo iyi vari kufuma vachiona makuva, kunyanya echembere, akakanganiswa nenzira dzakasiyana.

Kusvika pari zvino, makuva 12 anozivikanwa akaparadzwa uye 11 ari echembere.

Mamwe makuva aive nemifananidzo yakabviswa pamatombo uye matombo epamakuva akatokandwa kure.

Mwana wemushakabvu Gogo Makaza, VaGift Makaza, vanoti havasati vanzwisisa nyaya iyi sezvo aka kave kechipiri guva iri richikanganiswa kubva pakavigwa amai vavo nemusi wa12 Zvita.

“Vakavigwa nemusi wa12 Zvita, asi nemusi wa14 Zvita takaona kuti guva rakanga rakafukunurwa. Takaenda kumapurisa tikanokumbira kuti tivhure bhokisi racho kuti tione kana pane chakanga chisina kumira zvakanaka pamutumbi wacho asi hatina kupihwa mvumo yacho. Takafushira guva raamai vedu tichidzorera ivhu rakange rabviswa,” vanodaro.

Vagari vekuOdzi vachishamisika kuona guva raGogo Cecilia Makaza rakafukunurwa kumarinda eOdzi Cemetry.

VaMakaza vanoenderera mberi vachiti: “Takatyamadzwa mangwanani ano (Chitatu chapera) apo taona kuti guva rakafukunurwa zvakare. Bhokisi ranga rave pachena uye rakavhurwa. Simbi dzinobata bhokisi dzanga dzisipo.

“Takazivisa mapurisa ndokutibvumira kuti tivhure bhokisi tione kana mutumbi waamai vedu uchirimo. Takavhura bhokisi ndokuona kuti mutumbi wainge usina kukanganiswa.

“Zvisinei, jira ratakavaviga naro takavaputira rakabviswa ndokuiswa pamusoro pemutumbi. Dhuku rakabviswawo mumusoro mavo.”

VaGift Makaza vanoti vakaviga zvakare mutumbi waamai vavo mushure mekunge vaita chivanhu chavo.

Vanoti vakazotevedza tsoka dzevanhu vatatu dzaibva paguva apa.

“Tsoka dzemumwe wacho dzairatidza kuti akange asina kupfeka shangu, mumwe aive nemagambutsu uye wechitatu ari munhukadzi aive akapfeka shangu. Pane muhwezva weropa wakaonekwa uchibva kumarinda uye zvinoratidza kuti mumwe wavo akachekwa nemarata aive muguva,” vanodaro VaMakaza.

Banga rakawanikwawo mukati meguva iri.

“Takatevedza muhwezvwa weropa iri kubva ratisvitsa paive pakavigwa midziyo yakashandiswa pakufukura guva. Foshoro nepiki zvakange zvakavigwa mugwenzi riri kumakuva ikoku,” vanodaro VaMakaza.

Mai Joice Matanhire avo vane guva rehama yavo rakakanganiswawo vanokumbira Sadunhu Nyamanhindi kuti vavabatsire kutsvaga n’anga dzeZinatha.

“Izvi zvave nenguva yakareba zvichiitika. Tiri kukumbira varapi veZinatha vatibatsire. Sadunhu ngavaite chimbichimbi votaura naMambo Makoni nezvenyaya iyi. Makuva ehama dzedu ari kuparadzwa,” vanodaro.

Muhurukuro nakanzura weWard 31 yeMutare Rural District Council, VaMaclean Murauro, vanoti manheru emusi iwoyo (Chipiri), nhubu idzi dzakaedza kuchera mamwe makuva matatu asi zvikakona.

“Tiri kufungidzira kuti vanhu ava vari kuita mhiko dzavo dzekushereketa. Iri harisi basa revanochera goridhe sezviri kufungirwa nevamwe. Zviri pachena kuti vanoda zvimwe zvinhu kubva pazvitunha.

“Tine matombo emakuva ari kubviswa apo mamwe achipwanywa nesimbi. Makuva akawanda ari kukanganiswa anonzi ndeechembere dzakashaya makore ekuma2000, kunze kwaGogo Makaza nevamwe vaviri vakashaya mwedzi uno,” vanodaro.

Muhurukuro, Sadunhu Nyamanhindi, Mai Brandina Nyamanhindi, vanoti havasati vazivisa Mambo Makoni nezvenyaya iyi.

“Handisati ndambosangana nemashura akadai muupenyu. Pekutanga, mhuri yekwaDzumbira ndiyo yakandivinga, ichindiudza kuti guva raMai Rose Dzumbira rakanga rakanganiswa. Vakafa muna2002. Dzimwe nyaya dzerudzi urwu takadziziviswa.

“Panoda kutsvagwa mazano kubva kuna Mambo Makoni pamusoro penyaya iyi nekuti tiri mudunhu ravo. Havazivi zviri kuitika kuno.

“Zvisinei, ndinofungidzira kuti pane zvakaipa zviri kuitwa. Tinofanira kugara pasi senharaunda tiunganidze mari yekuti titsvage mazano kubva kuna Mambo Makoni,” vanodaro Sadunhu Nyamanhindi.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha), VaGeorge Kandiero, vanoti mhuri dziri kusangana nemashura ekukanganiswa kwemakuva ehama dzavo dzinokwanisa kunobatsirwa kumahofisi esangano iri ari kumatunhu avo.

“Tinoremekedza zvitunha uye kuzvibata-bata kana kutamba nazvo hazvitenderwe. Iyi inyaya yakajeka yekuda kupfuma nekukurumidza.

“Kazhinji, avo vari kukanganisa makuva aya vanoshandura mweya yevakafa kuti ive ngozi kumhuri dzavo, ndipo paunoona nhengo dzemhuri dzichinetseka uye dzichitambudzwa nemweya yehama dzavo dzakafa.

“Vanofanira kugadzirisa nyaya iyi nekukasika. Madzishe edu achabatsira kuchenesa makuva aya kuitira kuti pasave nekukanganiswa zvakare mune ramangwana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey