Vofusha zvirimwa kumusika

20 Apr, 2022 - 12:04 0 Views
Vofusha zvirimwa kumusika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUSIKA mutsva weFarmers and Traders Market uyo unowanikwa munhandare yeZimbabwe Show Society (ZAS) muguta reHarare uri kuvandudza zvirimwa kuburikidza nekuzviomesa izvo zviri kubatsira varimi kuti vawane pundutso kubva mumabasa avo.

VaMax Uzande Jnr (47) vanova munyori mukuru kumusika uyu vanoti vakaona kukosha kwekuomesa zvirimwa zvinosanganisira matomatisi, miriwo nemichero inosanganisira maguava nemango izvo zviri kubatsira kuti varimi vawane mari yepamusoro.

“Musika mutsva uyu takaupihwa neZimbabwe Show Society (ZAS) panzvimbo inoratidzirwa zvinhu neChinhoyi University of Science (CUT). Tinowanisa varimi michina yekuomesa zvirimwa kubva kumakambani anova masahwira edu,” vanodaro VaUzande.

Vanoti musika wavo une nzvimbo dzinokwana varimi makumi maviri vanotengesa zvinhu zvinosanganisira michero, muriwo, miti yemusango neyemichero, hupfu hwezviyo nehwemhunga.

“Takaona kuti varimi vedu vane zvirimwa zvinogona kukurumidza kuwora zvakaita sematomatisi, muriwo, derere nezvimwe zvakasiyana zvatinoita kuti vazviomese voita mifushwa. Izvi zvinobatsira kuti varimi vasawane zvirimwa zvavanorasa zvawora sezvo vachiita mifushwa votengesa nemari yepamusoro,” vanodaro VaUzande.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tine vatungamiri vanobata nzvimbo dzakasiyana zvichienderana nezvikamu zvezvirimwa zvatinotengesa. Mai Beauty Murwira Musekiwa ndivo vanotungamirira chikamu chezvirimwa zvakaomeswa pamusika wedu nekuona kuti zvaiswa mumabutiro zvakanaka.

“Varimi vedu vanobva kunzvimbo dzakasiyana vanowana pekumisa motokari dzavo pakanaka mukati dzichichengetedzwa nevarindi venzvimbo iyi uyewo tine dzimwe nyanzvi dzinobatsirana nevarimi vanouya dzakaita sevekuEMA, vekuForestry Commission nevarimisi vatinoshanda navo,” vanodaro.

VaUzande vanoti kuvarimi vezvipfuyo, vari kuvasimudzira kuburikidza nekuuchika mbeu yekuti vakwanise kuwana mombe dzemhando yepamusoro-soro.

“Tine zvakare nyanzvi munyaya dzekuuchika zvipfuyo nenzira ye’artificial insemination’, varimi vachibatsirwa nenyanzvi yedu vanova VaNorman Musekiwa.”

VaUzande vanoti nekuda kwekushanda kwavo nemakambani anogadzira michina yekufusha zvirimwa, vane mukana wekuwana michina inoshandisa simba remagetsi anobva muzuva yekuitisa basa iri.

“Hurongwa hwedu semusika tinoda kuti panosvika gore ra2030 tinge tava kukwanisa kugadzira zvinhu zvakasiyana kubva muzvirimwa zvedu,” vanodaro VaUzande.

Share This:

Sponsored Links