Vogadzirira kudzoka kwenetball

07 Oct, 2021 - 11:10 0 Views
Vogadzirira kudzoka kwenetball

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reRainbow Amateur Netball League (RANL) rinoti ragadzirira kudzoka kwemutambo uyu zvichitevera kuronga kwavakaita mutambo weDry Run svondo radarika uyo wakaona chikwata cheZRP Mambas chichikunda cheGlow Petroleum Queens 27-24 mufainari.

Munyori mukuru weRANL — Moses Gukumure — anoti kugara nguva ndefu vatambi vasingatambe mutambo uyu, zvichikonzereswa nedenda reCovid-19, kwakadzosera kumashure kusimukira kwavo asi vave nemufaro zvichitevera kudzoka kwawakaita.

“Mushure mekunge tapedza nguva ndefu mutambo uyu usiri kutambwa, zvinofadza zvikuru kuti tave kukwanisa kudzokera kuhupenyu hwedu hwekare vasikana vachitamba mutambo uyu unovararamisa.
“Mutambo weDry Run wange uri wekuona kuti zvikwata zvave papi mugadziriro yekudzoka kwemutambo uyu. Tazvionera tega kuti zvagadzirira saka isu tagadzirirawo kuti mitambo ichitanga,” anodaro Gukumure.

Zvisinei, anoti vachiri kumbomirira kupihwa mvumo kubva kuZimbabwe Netball Association (ZINA) neSports and Recreation Commission (SRC) kuti vachitanga mutambo uyu.

Anoti kusvika pari zvino vanyorera kuZINA kanokwana katanhatu asi havasati vapihwa mhinduro.
“Chiri kungotimisa kuti mitambo yedu ichitange kupihwa mvumo uye tinyoreswe neZINA.

Takavanyorera asi havasati vatipindura kusvika pari zvino. Saka tiri kuramba tichigogodza kwavari, tichivanyorera kuti vatipe mvumo titange mitambo yedu,” anodaro.

Zvichitevera kuvambwa kwakaitwawo ligi rePremier Netball League (PNL) nguva yadarika izvo zvakaona zvimwe zvikwata zvichibuda muRANL zvichienda kuPNL, Gukumure anoti maligi akawanda zvinobatsira kukura kwemutambo uyu uye zvichipa vatambi mikana yakasiyana yekukwikwidza.
“Tichiri nezvikwata zvedu zvakawanda zvikuru uye isu tinovimba kuti zvapave nemaligi maviri zvichabatsira kukura kwemutambo uyu,” anodaro.

Zvakadaro, chikwata cheZRP icho chakahwina mutambo uyu chakaenda kumba neUS$1 350 kuchiti zvimwe zvakakwikwidza zvinosanganisira Lusumbami, Tenax, Ruwa, Correctional Queens neKhami Prisons.

Share This:

Sponsored Links