Vogadzirira kupanana zvematsenganzungu

27 May, 2021 - 13:05 0 Views
Vogadzirira kupanana zvematsenganzungu Clyde Musonda

Kwayedza

Abel Ndooka

VATAMBI vetsiva vane chitsama votarisirwa kubandana mumutambo wePound for pound Knockout Covid Boxing Series uchatambwa nemusi wa5 Chikumi kuHarare Showgrounds.

Mutambo uyu uri kurongwa neDeltaforce Boxing iyo inotungamirirwa naClyde Musonda uye uchaona vatambi 16 vachirwa mumitambo misere.

Mutambo mukuru pazuva iri uchange uri waFreeman Mabvongwe uyo acharwira bhande reZimbabwe Welteright naPeterson Machinjike.

Clyde Musonda, anove zvakare murairidzi wevatambi vetsiva vazhinji, anoti mutambo uyu uchabatsira zvakanyanya sezvo vatambi vange vave nenguva ndefu vasingakwikwidze zvichitevera kumiswa kwakaitwa mitambo yose munaKurume gora rapera senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Anoti chishuvo chavo kuona vatambi vari kusimukira vachiwaniswa mikana yekukwikwidza nekugadzira mazita avo kuitira kuti vagonorwira mabhande akasiyana kunze kwenyika.

“Isu chishuwo chedu kuona vatambi vetsiva vachisimukira nekuwana mikana yekugadzira mazita avo. Nekuda kweCovid-19, mitambo yange yakamiswa uye vatambi hupenyu hwavo hwakakanganiswa zvikuru. Saka isu taronga mutambo weKnockout Covid, tinoda kuirwisa kuti ngaiende Covid-19 itisiye tiite mabasa edu atange tajaira hupenyu hwedu hudzokere pahwainge huri kare,” anodaro.

Mutambo wePound for pound knockout Covid boxing series ndewechipiri wetsiva kurongwa muno kubva mitambo payakapihwa mvumo yekunzi ichiitwa munyika.

“Tiri palockdown, taienda nevamwe vatambi kunze kunyika dzakaita seTanzania vachinokwikwidza ikoko, asi vange vari vashoma. Saka iye zvino vatambi vakawanda vave nemukana wekuzoenda kunorwira kunze kwenyika asi hunge vakatamba zvinonwisa mvura mitambo yatinovarongera muno,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>