Uncategorized

Vogara nenyoka ‘dzechivanhu’

07 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Vogara nenyoka ‘dzechivanhu’ Nyoka dziri kunzi ndedzevadzimu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAZINYOKA erudzi rweshato ayo ari kuonekwa mumusha waNhemachena, pedyo nepaGuruve Growth Point, kwaChupuriro, kuGuruve, ave kuita kuti vagari veko vagare vazere nekutya kukuru.

Asi vakuru veko vanoti shato idzi dzine chekuita nechivanhu uye hadzifanirwe kubviswako.

Mazishato anodarika mashanu ari kuonekwa akavandarira zuva, ozopinda muguru riri pachikomo chinovigwa magamba ehondo yorusununguko ikoko.

Mumwe wevakaona nyoka idzi, VaAlois Chipidza (40), vanoti dzinooneka kubva na10 mangwanani kusvika kuma3 masikati dzakavandarira zuva.

Alois Chipidza

“Ini ndaiva kubasa kwangu kuno kuService Station yedu paExpo Petroleum apo ndakanzwa vanhu vachishevedzera kuti kwaiva nemazinyoka mashanu ainge achipiringishana kuchikomo cheGuruve District Heroes Acre uko ndakamhanya tikanodziona.

“Dzimwe diki dzainge dzakatasva hombe yacho pamusoro, kwatingati kuberekana. Asi hadzina munhu wadzakamboedza kuvhundutsira, vanhu vanongotya voga,” vanodaro.

Vanoti nyaya yave kungoshamisa ndeyekuti shato dzakawanda kudai dziri kubva kupi.

“Vakuru vemuno vanoti nyoka idzi dzine chivanhu sezvo mugomo iri muchinzi munoyera. Izvozvi vanhu vave kuswera vakadziunganira vachida kudziona,” vanodaro.

Uwandu hwenyoka idzi vanhu vari kutaura nepakasiyana – vamwe vanoti ishanu, vamwewo vachiti dzinodarika ipapo.

VaMacey Chipfunde (25) vanotsinhira kuonekwa kwenyoka idzi.

“Gomo iri rinoyera zvikuru sekutaura kwevakuru kuno, ndiro rinoendwa nevakuru vachiomberera midzimu yemuno,” vanodaro.

Vanoti nyoka idzi vakadziona kakawanda vachifudza mombe apo vaitanga nekuona mhuka dzinonzi hovo dzakawanda.

“Ndinofunga kuti nyoka idzi dzakawanda zvakare dzaitadza kuonekwa nekuti nzvimbo iyi ine miti uyewo munguva yeZhizha inogara yakapfumvura nemashizha emiti,” vanodaro.

Chikomo chiri kuonekwa nyoka idzi chiri pedyo zvikuru nemusha waKahumwe, izvo zvave kuita kuti vamwe vanhu vagare vakabatira hana dzavo mumaoko.

Vamwe vanhu vanoti nyoka idzi dzinoonekwa dzakaita mudungwe dzichienda kurwizi Dande kunonwa mvura.

VaConfidence Chipfunde (37) vanotiwo vakadziona.

Confidence Chipfunde

“Nyoka idzi ndinogara ndichidziona, ina dzacho dzakaberekwa neimwe hombe. Kana dzichifamba dzinoita mudungwe, dzine chivanhu chete,” vanodaro.

Murume uyu anobva mubhuku raKapawa uye anofungira kuti zinyoka hombe ndiro rakabereka dzimwe diki.

Kwayedza yakanosvika panzvimbo iyi nemusi weChishanu wadarika ikawana shato idzi dzichinzi dzaive dzapinda

muguru sezvo dzakanzwa kutinhira kwemotokari.

Kanzura wenzvimbo iyi – Ward 6 – VaFirai Mazhambe, vanonzi vakatoziviswa nezvenyoka idzi ndokuti kunoda kuendwa kumhondoro kana kuti masvikiro eko.

Kwayedza haina kukwanisa kuona kanzura ava kuti vataure nezvenyoka idzi.

Asi Sabhuku Nhemachena, VaIson Nhemachena (72) – avo vane musha uri kuonekwa nyoka idzi – vane fungidziro huru yekuti dzine chekuita nechivanhu.

Sabhuku Nhemachena

“Chikomo ichi ndimo matinoviga magamba emudunhu reGuruve, rinoyera gomo irori. Inzvimbo yatateguru wedu ainzi Kapawa umo tinoitira chivanhu chedu.

“Nyoka idzi dziri kuonekwa saka takatoronga kuenda kumhondoro yedu inonzi Nyamuseve kunovaudza,” vanodaro.

Vanoti kusvikiro ravo ndiko kwavachaudzwa zvekuita kuti kwoshevedzwa vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority here kuti vadzitore kana kuti dzosiiwa dzakadaro.

“Kudzitora semafungiro angu hazviite nekuti kuno kunogumisira mvura isisanaye zvakanaka,” vanodaro.

Sabhuku Nhemachena vanoyambira vamwe vana vanonzi vari kuonekwa vachitema nyoka idzi kuti vasiyane nadzo.

Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vari kukurudzira vagari venzvimbo iyi kuti vasauraye nyoka idzi sezvo iri mhosva pasi pemutemo wenyika.

VaTinashe Farawo

Nhengo ichangosarudzwa kumirira dunhu reGuruve North mudare reNational Assembly, Cde Dzepasi Girovah, vanoti nyoka idzi dzine chivanhu.

“Nyoka idzi ndedzechivanhu, mukauya muchida kudziona seizvi hamudzione. Asi dziripo uye panongoda kuitwa chivanhu,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links