Vogarira varwere ‘vakapombonoka’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Vogarira varwere ‘vakapombonoka’ VaDavid Mills vachiparura mupanda wekutandarira vabereki paParirenyatwa Group of Hospitals.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rakazvimirira reKidzCan Zimbabwe — iro rinoyamura vana vanotambudzwa nezvirwere zvegomarara — rakabatsira mukuvandudzwa kwemupanda wekutandarira vabereki paParirenyatwa Group of Hospitals, muHarare, izvo zvichaona vachinyevenutswa mupfungwa panguva yekurwarirwa.

Senzira yekusimudzira kurapwa kwevana, KidzCan Zimbabwe yakavandudza mupanda unoshandiswa nevabereki panguva iyo vanenge vakamirira vana vavo vachirapwa uye yakatsigirwa neveTV Sales and Home vanova vakabatsirawo nefenicha ne$5 000 yavakapa kusangano iri.

Vachitaura pazuva rekugashidzwa zviri pamutemo kwemupanda uyu, sachigaro weKidzCan Zimbabwe, VaDavid Mills, vanoti imba iyi yakakoshera vabereki kuti vange vachigoverana mashoko maringe neutano hwevana vavo zvichibatsira mukuderedza kushungurudzika kwavo panguva yekurwarirwa.

“Mupanda uyu uchaita kuti vabereki vange vachisangana vachiwanisana ruzivo maringe neutano hwevana vavo. Izvi zvinoderedza nyaya dzekushungurudzika nekuti vabereki vanenge vava kuziva kuti havasi vega vari mudambudziko iri.

Midziyo yakabva kuTV Sales and Home

“Midziyo yatapihwa nekambani yeTV Sales and Home ichabatsira mukuvandudza nzvimbo iyo ichagarwa nevabereki,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti vabereki nevana vange vachibaiwa majekiseni anodzivirira gomarara rinogona kuzovabata pavanenge vashanyira zvipatara zvakasiyana.

“Munyika dzakadai seUnited States, kurarama kwevana vane chirwere chegomarara kwakakura nechikamu che90 percent uye vana ivavo vanobatsirwa nenguva. Asi munyika muno mikana yekuti vana vane gomarara vararame iri pa20 percent, kureva kuti tichakasaririra zvakanyanya.

“Nokudaro zvakakosha kuti vabereki nevana vabaiwe majekiseni anodzivirira gomarara. Tiri kuda kuuya neruzivo rwekukwanisa kuvheneka gomarara muvana nekukasika,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, managing director wekambani yeTV Sales and Home, VaSean Gorringe, vanoti vane shungu dzekuramba vachitsigira sangano reKidzCan Zimbabwe sezvo riine chido chekuchengetedza upenyu hwevana. VaEdson Mudenda, avo vanova director of operatins pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals, vanotenda vatsigiri vavo ava mukuvawanisa nemishonga uye zvekushandisa panguva iyo vanenge vakaomerwa.

Vanoti kuti vana vakurumidze kupora, vanodawo nharaunda yakanaka uye vabereki vavo vachiwaniswa mukana wekuvaona.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey