Kwayedza

VOGEZESWA NEN’ANGA VARI MUSVO

Milliana Mushambahuma

MUDZIMAI anogara muEye Court, muHarare, asi kumusha achibva kuGokwe, ari kuti vakaitwa zvinorova neimwe n’anga yainge yaunzwa mumusha mavo nababa vake avo vanovawo n’anga.

Ari kuudza Kwayedza kuti mhuri yavo vose – baba pamberi, madzimai avo ari pabarika, vanakomana nevanasikana vabva zera – vose vakashandirwa nen’anga iyi vari musvo, vasina kana chavakapfeka, apo vakagezeswa nemishonga vachinzi vaisimbiswa.

Vakazopanana mukana wekupfeka mbatya zvichienda nehukuru hwavo apo vamwe vainge vakayeva.

Mushure mezvo, mudzimai uyu ava kusangana nematambudziko gumi nefararira – akabva aita tsaona vachangobva kushandirwa vari musvo iyo yakamusiya ave pawiricheya zveupenyu hwake hwose, anoshereketwa naye nevarume vaasingazive, anorumwa nekamhuka kanonzi kahovo mumakumbo apo anenge ari mumba asi achitokaona, mumba make munopinda mazinyoka zvekuti ava kutogara neshamhu dzekurovesa, kana kuti kumusha pamba pavo panobaka moto unenge wechipoko asi uchiburitsa ruzha rwunenge kuri kurira nhare nekuitika mamwe mashura akangowanda.

Onai nyaya izere muKwayedza resvondo rino…