Voita matura ekuchengetera mbeu

23 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Voita matura ekuchengetera mbeu Matura embeu

Kwayedza

Flora Fadzai Sibanda

NECHINANGWA chekuchengetedza mbeu yezvirimwa zvechivanhu zvinosanganisira zviyo izvo zviri kuenda zvichishomeka zvichikonzerwa nekusanaya kwemvura zvakanaka nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze, varimi vekuNkayi kudunhu reMatabelelnd North vakavamba chirongwa chematura avanochengetera mbeu yavo nenzira dzechivanhu.

Varimi vanokwana 118 vekuWard 23 kuNkayi vari kubudirira muchirongwa chematura ekuchengetera mbeu yezvirimwa.

Pane nzira dzakasiyana dzekuchengetedza mbeu izvo zvinoitira varimi nyore pakuzowana mbeu yekudyara muminda yavo iyo vanogadzira voga, yakasimba zvekurwisana nezvirwere zvakasiyana uyewo ichishingirira muzuva iine kudya kwakanaka.

Nekuziva kuti mbeu zhinji dzekare dzave kuita dzichishomeka, varimi 118 vekuNkayi – vachibatsirwa nebazi reAgritex nesangano reResilience Building Fund (ZRBF) – vakabatana mugore ra2019 ndokutanga chirongwa chedura rembeu iri.

Varimi ava, vachitungamirirwa naMai Nohlahla Ngwenya vekuAgritex, vanoti danho rekuvamba dura rembeu ipfungwa dzavakatambira nemaoko maviri.

Vanoti nekuona kuti mbeu inotengeswa muzvitoro zvakasiyana yakanga yava kudhura zvakadarikidza zvekuti vamwe varimi vaitadza kuwana mari yekuitenga, vakauya nepfungwa dzekugadzira mbeu yavo voga pachivanhu voiisa mumatura avanogadzira zvine hunyanzvi.

“Takaona kuti mbeu yedu muno yava kudhura zvisingazogona kuti varimi vakwanise kuitenga saka takaunganidza varimi 118 muWard 23 kuno kuNkayi panzvimbo yemabhizimisi yeCanaan Business Centre ndokuvamba chirongwa chematura edu ekuchengetedza mbeu. Tinochengeta mhando dzembeu dzinodarika makumi matatu dzinosanganisira maringazuva, mbeu yehuswa hwemombe nezvimwe zvipfuyo (fodder), nzungu, nyimo nechibage,” vanodaro Mai Ngwenya.

Vanoti varimi vanosarudza mbeu kubva muzvirimwa zvavo panguva yavanokohwa vochengeta mumatura avo.

“Mbeu iyi yatonongorwa, inochengetwa mumabhodhoro munzvimbo dzine mweya wakanaka kuti isanyorove kana kuwora,” vanodaro Mai Ngwenya.

Vanoti mbeu iyi vanoikweretesa kunyanzvi dzevarimi voirima kuitira kuti iwande yobva yachengetedzwa mumatura avo.

“Mbeu iyi tinoipa kuvarimi vakuru vorima, vozodzosa yawanda uye toichengeta mumatura edu. Tinopa varimi ava mbeu yemhando yepamusoro, tiri kupawo kumhuri dziya dzinoshaya mudunhu reNkayi.

“Dura redu rinoshandiswa nevarimi vose, kune vanoda kutenga tichivapa nemitengo yakadzikira zvikuru zvakasiyana neimwe mbeu inotengeswa mune zvimwe zvitoro mumaguta nemumadhorobha,” vanodaro Mai Ngwenya.

Vanoti kubatsira kwavanoita varimi vanoshaya nembeu iyi kwaita kuti goho rezvirimwa risimukire mudunhu iri.

“Dambudziko ratinombosangana naro kukanganisika kwembeu iyi sezvo tisina mishonga yekuisa nekuti dzimwe nguva varimi havakwanise kuunza mbeu ine huwandu hwatinotarisira zvinoita kuti dura redu ritadze kukura zvakanaka.

“ZRBF iri kutsigira chirongwa ichi munzvimbo dzemakanzuru anokwana kuita 18 ekumaruwa munyika muno,” vanodaro Mai Ngwenya.

Vanoti nekuda kwechirongwa ichi, dunhu reNkayi richasimukira munyaya dzekurima sezvo varimi vachiwana mbeu nyore.

Share This:

Sponsored Links