Voita ongororo yeBhanan’ana

14 Sep, 2020 - 14:09 0 Views
Voita ongororo  yeBhanan’ana

Kwayedza

Runesu Gwidi

MAMWE madhokotera emuno nemusi weChishanu svondo radarika vakaparura chirongwa chekuongororo kuti mushonga wechivanhu wakagayiwa kubva mumidzi unoshanda zvakadini mukurwisa chirwere cheCovid-19 kuMasvingo.

Mushonga uyu – unozivikanwa nekuti Bhanan’ana – wakagadzirwa nenyanzvi yemishonga yechivanhu, Dr Kenneth Chivizhe.

Dr Chivizhe vachange vachiita tsvakurudzo yekushanda kwemushonga uyu vachibatsirwa naDr Tichaona Sithole uye vose vachiongororwa naVaTendai Kureya vanove executive secretary weMedical Research Council of Zimbabwe (MRCZ).

VaKureya inhengo yekomiti iri kupa mazano kunyika pamusoro peCovid-19 (10-member expert advisory committee on Covid-19) iyo yakakumikidzwa nedare reCabinet uye iri kushanda naDr Agnes Mahomva vanova chief co-ordinator wezveCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet.

VaKureya – avo vaive kuMasvingo pakuparurwa kweongororo idzi – vanoti vanoita tsvakurudzo vanoda kuona kushanda kwemushonga uyu, unova wakagayiwa seupfu uye unonwiwa nemvura.

“Kukokwa kwangu kuno kune chinangwa chekuona mamiriro ezvinhu sezvo chikwata ichi tave kudyidzana nacho nekuti vakauya kwatiri vachiti mushonga uyu unoshanda. Saka isu tiri kuti tiratidzei kuti unoshanda sei,” vanodaro.

“Tine nzira yakajeka yekuita nayo zvinhu sezvo tichitanga tataura nevanhu vakamboshandisa mushonga. Tinoda kutanga taita ongororo dzakadzama dzesainzi kune avo vakamboshandisa mushonga uyu. Apa tichiri kutotanga.

“Tichabatsirana nechikwata ichi kuti chigadzire zvinodiwa kuitira kuti mushonga uyu ugoongororwa zvakasimba uye nekuona kuti unoshanda nenzira inotariswa kuti ushande uyewo nekuti zvose izvi zvigonyorwa pasi. Panguva yaunozotengeswa pasi rose semimwe mishonga, unenge wakatsigirwa neongororo yakasimba inenge yakaitwa kuti ukwanise kusvika padanho iri.

“Chimwezve chakakosha kwatiri ndechekuona kuti apo vechikwata ichi vanoita basa ravo, tinoda kuti variite vachitevedza gwara rinodiwa nemutemo. Tinoda kuona kuti vashanda pamwe chete nanamuzvinafundo vesainzi, nyanzvi dzezvemishonga yekurapa (pharmacologists) nevamwe vanoongorora mushonga uyu.

“Tinofunga kuti pari zvino pane zviripo zvatinofanirwa kuita ongororo. Pane umbowo hwezvinokwanisa kuwanikwa mumishonga iyi,” vanodaro VaKureya.

Vanoti MRCZ yakapa basa vaongorori vanodarika 100 munyika yose kuti vaite tsvakurudzo yezvinoshanda mishonga yechivanhu yakasiyana vasati vapihwa mvumo yekuishandisa.

Dr Chivizhe vanoti mushonga uyu unokwanisa kurapa zvirwere zvinosvika 23.

Vanoti vakaupa zita rekuti Bhanan’ana nekuti simba rawo rakangoda kufanana nemupande wemheni.

Share This:

Sponsored Links