Voita zvinorova papurazi

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
PURAZI reSongore riri mumugwagwa unobva kuHarare uchienda kwaMurehwa nekuNyamapanda pedyo nepaBhora, kuGoromonzi rorerutsira vagari veko pamwechete nevose vanofamba nemugwagwa uyu nekuvawanisa zvirimwa zvakasiyana.

VaPharoah Chiutunga (27) vanove mumwe wemamaneja papurazi iri vanoti vanorima mhando dzose dzezvirimwa zvinodiwa nevanhu zuva nezuva izvo vanotengesa pamusika wavo wakadziva pamugwagwa uyu.

“Idonzvo redu sevarimi kuti tiwanise vanhu vanodarika nemugwagwa uyu zvose zvavanoda zvinobva muminda yedu.

“Tinorima mabanana ayo anobereka zvikuru uye tine matomatisi ari kubereka zvakanyanya.

“Tinorima muriwo wemhando yose, kusanganisira makabichi, hanyanisi tinadzo, tinotengesawo nhondo dzemuriwo wakasiyana nedzemiti yemichero neyemimvuri yemuno neyekunze nezvimwewo,” vanodaro VaChiutunga.

Vanoti kunze kwazvo, vanopfuyawo zvipfuyo zvinosanganisira mbudzi, makwai, mombe nehuku.

“Donzvo redu sevarimi vepapurazi repaSongore kugutsa vanhu vose vemuno nevanodarika vachienda kungava kuMozambique kana kuZambia chaiko sezvo tiri pamugwagwa mukuru, havafanirwe kuti vadarike nekuno vogumisira vave kuzoenda kuMbare kunotsvaga zvekutenga isu tichirima,” vanodaro.

Tendai Millious — uyo anoshanda kudivi rinodyara michero yakasiyana papurazi iri — anoti havana nhondo dzemichero yavasina kubvira kumiranjisi, mindimu nemanachisi.

“Tinorima nguva yose yegore sezvo tiine zvibhorani zvitatu mupurazi redu umo mvura inodhonzwa nemagetsi ichiiswa mumatangi tozodiridzisa minda yedu.

“Hatina nguva inonzi chirimo kana zhizha, chibage tinorima tichitengesa chiri chinyoro,” anodaro Chiutunga.

Basa rose iri anoti rinofamba zvakanaka zvikuru sezvo  vachishandisa manyowa emipfudze yemombe dzavo neyembudzi nehuku, zvinova zvisingavadhurire.

Jesca Chengetai (21) anoshanda kudivi rematomatisi nezvimwe zvirimwa anoti hapana chikonzero chekuti vanhu vaende kumisika inotengesa zvirimwa kwakaita sekuHarare, kuChitungwiza, Marondera nekumwe ivo varipo nekuti papurazi ravo panowanikwa zvose.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey