Voitiswa mitambo inosimbisa muviri

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Voitiswa mitambo inosimbisa muviri Obey Semba (ari pakati) achiita mitambo yekusimbisa muviri.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rekuEpworth rakazvimirira, reTZU Chi, riri kuita mabasa makukutu ekusimudzira utano hwevakaremara, vakwegura nevamwe varwere kuburikidza nekuvaitisa mitambo inosimbisa miviri, kuvapa chikafu nemishonga yechivanhu.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira muzinda wesangano iri ikawana paine varwere vanodarika 100 avo vaibatsirwa matambudziko eutano akasiyana.

Murongi mukuru (commisioner) weTZU Chi, Mai Molia Tandiso, vanoti sangano ravo rakavambwa muna 2007 nechimwe chizvarwa chekuTaiwan, TNO Chu, uyo anova director waro nedonzvo rekubatsira varwere kuti vasimbe miviri yavo panguva imwe cheteyo vachitora mishonga yavanenge vanyorerwa kuzvipatara.

Mbuya Ester Gwengwenu

“Pano tinobatsira vanhu vemazera ose vanodarika 400 vari vemunharaunda yeEpworth. Tine michina yekuitisa mitambo yekusimbisa mabhonzo emuviri nekuvamasaja kuitira kuti tsinga dzifambise ropa zvakanaka. Tinoita zvirongwa zvemhando iyi katatu pasvondo, zvisinei nekuti vazhinji vari kuuya pano vanhu vakwegura,” vanodaro.

Mai Tandiso vanoti vamwe vevarwere vanoenda kunobatsirwa pamuzinda uyu vanenge vachitambudzwa nezvirwere zvinosanganisira gomarara, cerebral pulse, vakaoma mitezo nevanozvimba makumbo.

“Iko zvino nenhau dzekuti Hurumende ine zvimwe zvirongwa zvegadziriro yekuvhota, tiri kuita chirongwa ichi kamwe chete pasvondo kuitira kuti vanhu vakwanise kuwana nguva yekunonyoresa kuvhota. Varwere vanouya pano tinokurudzira kuti vauye nemagwaro ekwachiremba anoratidza kuti vari kurapwa zvirwere zvakamira sei kuti tikwanise kuvabatsira,” vanodaro.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vari kubatsirwa pamuzinda uyu, avo vanotenda sangano iri neruyamuro rwariri kuvapa.

Mai Molia Tandiso

Mai Ester Gwengwenu (54) vanoti vanorwara nemakumbo nokudaro vave kunzwa zviri nani mushure mekubatsirwa pamuzinda uyu.

“Makumbo angu aizvimba zvakanyanya asi kuburikidza nemitambo yekusimbisa muviri yatiri kuitiswa pano, ndatopora,” vanodaro.

Obey Semba (22) anoti akaoma mutezo nesitoroko (stroke) izvo zvakaita kuti akundikane kuenderera mberi nechikoro.

Mbuya Alice Mukwavira

Kuoma mitezo uku kwakakanganisa zvakare nzeve dzake zvekuti haachanyatsonzwa, nokudaro munyori uno aitoita zvekunyora mibvunzo pabepa iye achizopindura nemuromo.

“Ndaigona zvikuru kuchikoro asi ndakazogumira Form 1 mushure mekubatwa nesitoroko nzeve dzangu dzikavharika uye ruwoko rwangu rwekuruboshwe rwakaoma. Vabereki vangu vose vakashaya ndiri kugara namukoma.

“Kana vanhu vakataura ndinongonzwa kutinhira pasina mazwi andinonzwa saka ndinotofamba nekabhuku nechinyoreso kuitira kuti vanoda kutaura neni vanotanga vanyora ndozopindura nemuromo. Ndinogona kurava nekukasika uye ndiri munhu akasununguka,” anodaro Obey achinyemwerera.

Mbuya Getrude Nzombe (60) vanoti vanorwadziwa nemakumbo uye ishirikadzi inochengeta vazukuru vaviri zvichiita kuti vagare vakaomerwa neraramo, zvikuru panyaya dzechikafu.

“Pano taimbouya tichipihwa mupunga asi nekuwanda kwava kuita vanhu kusanganisira vasingarwari, vari kungouyawo chikafu chava kuita chishoma. Ndiri shirikadzi inochengeta nherera mbiri saka nzara nezvirwere zvandimomotera,” vanodaro.

Mbuya Alice Mukwavira (58) vanoti vakaoma mitezo uye makumbo avo anozvimba asi nekuda kwemitambo yavanoitiswa, vave kuita zviri nani.

Sangano reTZU CHi rinowanikwa munyika dzepasi rose uye muAfrica rine muzinda waro kuSouth Africa.

Mishonga yetsangamidzi yakagaiwa inoshandiswa nesangano iri kubvisa utachiona mumiviri yevarwere, zvikuru vane gomarara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey