Vokusakura nekuzunza kumisika yefodya

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

MWAKA wekutengeswa kwefodya uchaguma svondo rino nemusi weChishanu (27 Chikumi), unova wakakurumidza kupera zvikuru kana zvichienzaniswa negore rakapera.
Zvakadaro, kusvika musi weChishanu svondo rakapera, fodya yaiva yatengeswa yaikwana makgs 194 miriyoni ichikosha US$619 miriyoni. Panguva imwe chete iyi mwaka wapera, kwaiva kwatengeswa makgs 147 miriyoni aikosha US$543 miriyoni.

Mukuru wesangano reTobacco Industry Marketing Board (TIMB), Dr Andrew Matibiri, vakazivisa nezvekuguma kwemwaka wekutengesa uyu svondo rapera.

“Mwaka wedu wefodya wa2014 uchaguma nemusi wa27 Chikumi apo misika yedu mitatu inosanganisira Boka Tobacco Auction Floors (BTF), Premier Tobacco Floors (PTF), neTobacco Sales Floor (TSF) ichapedzisa kutenga fodya kubva kuvarimi,” vakadaro.

Vanoti mwaka wekutengeswa kwefodya uyu wakurumidza kupera zvikuru nekuda kwefodya shoma yave kuunzwa nevarimi kumisika.

“Yambirio yedu huru kuvarimi ndeyekuti vaunze fodya yavo yekugumisira nemusi weChishanu iyo inozotengeswa neChishanu chinotevera tobva tavhara misika yedu asi kutengeswa kwefodya kwekutsvaira misika yedu, mop up sale, kuchazoitwa nemusi weChipiri,  Chikunguru 15, nekudaro tinoda kuti varimi vedu vanzwisise nyaya iyi zvizere,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey