Vomuka vakaguswa nengozi

24 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Vomuka vakaguswa nengozi Amos Simango , Primrose Mukwada and Lettie Chipatiso

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kuCHIMANIMANI

MHURI igere kwaMutambara, kuChimanimani yava kugara yakabatira hama mumawoko nekutya zvichitevera chiitiko chisinganzwisisike apo vanongomuka mangwanani vakagerwa vhudzi mumisoro nekudzimwe nhengo.

Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nemweya wengozi yemwana akauraiwa aine makore maviri ekuzvarwa. Pavanoedza kuzvibatsira husiku vachishandisa migomo (mabhaketi), weti yavo inonzi inongotsakatika pasina anenge airasa.

Mhuri iyi inotenda kuti mweya wengozi yemwana anonzi akapondwa murwizi mugore ra1999 ndiwo uri kukonzera zviitiko zvisinganzwisisike izvi.

Achirondedzera nezvemanenji aya muhurukuro nemunyori uno, Amos Simango anoti mumwe muporofita akavaudza kuti mashura aya ari kukonzerwa nemweya wengozi yemwana aive nemakore maviri ekuberekwa uyo anonzi rufu rwake rwakakonzereswa nemuramu wake anonzi Lettie Chipatiso.

Mambo Mutambara (kuruboshwe)

Mhuri iyi yakamiswa mudare raMambo Mutambara svondo rapfuura, mazuva mashoma vaenda zvakare kuMutare Civil Court uko Chipatiso akapihwa gwaro redziviriro kubva kune mhuri yekwaSimango.

Amos anoti vatojaira kumuka vakagerwa vhudzi remumusoro nere kudzimwe nhengo zvichikonzerwa nemweya wengozi yemwana ainzi Lazarus uyu. Anoti havasisina ruremekedzo munharaunda sezvo munhu wose ave kuziva nezvedambudziko ravo.

“Mukadzi uyu (Chipatiso) akaipa. Haana basa nezvinhu zvisinganzwisisike zvinotibata semhuri. Nhengo dzedu nemisoro zviri kuveurwa nengozi iyi. Takatsunga kugara tichigerwa misoro.
“Weti yedu inonyangarika mumabhaketi husiku. Patinomuka, migomo inenge yakaoma.
“Kana tichiita weti panze, inonyangadika zvisinganzwisisike.
“Tinoda rubatsiro. Chipatiso ari kushandisa dare redzimhosva kuti tisakwanise kutora matanho ekuti manenji aya apere,” anodaro Amos.

Anoti vana vavo vari kurwara nezvirwere zvisinganzwisisike.

“Ndakaudzwa kuti vana vanoda ropa rakawanda, asi chirwere chavari kubatwa nacho handichizivi. Zvisinei, mumwe muporofita akatiudza kuti mweya wengozi ndiwo uri kukonzera zvose izvi.
“Mweya wengozi uyu uri kutsinhirawo izvi paunobuda pamuroora wedu,” anodaro Amos.

Panguva iyi, muroora waAmos, Primrose Mukwada, akabva angoita semunhu abatwa nemweya ndokutanga kuchema achipomera Chipatiso kuti ndiye akakonzeresa rufu rwemwana uyu achida kumuchekeresa.

“Mai Dillon (Chipatiso) vakandishandisa kuita zvemishonga yekuchekeresa mukusimudzira bhizimusi ravo. Anga achindishandisa nguva yase iyi, asi ndaneta. Ndinoda kuzorora.

“Kwenguva yakareba anga achiedza kuvanza chokwadi, asi zvakwana. Ndichakuratidza pane hama dzangu kana magadzirira kundinyaradza. Mukadzi uyu ane huipi, akandiuraya,” anodaro Mukwada achichema.

Murume waMukwada, Trust Simango, anokumbira dare kuti ripindire munyaya iyi.
“Ndinotya kuti anogona kufa nekuti ave nemazuva asingadye. Chipatiso ngaareurure kuitira kuti mukadzi wangu asunungurwe. Mweya uyu uri kutambudza mudzimai wangu uye vemhuri yake vanogona kundiranga nekuda kwaizvozvo. Tinoda rubatsiro,” anodaro.

Zvisinei, Chipatiso ari kuramba kuti ane chekuita nekufa kwaLazarus.
Anoti pakashaya mwana uyu aive nemumwe mukadzi anonzi Tsverukai Mwoto.
Mapurisa anonzi hapana chaakaona chakaipa pakafa mwana uyu.

“Ndinopika kunaMwari, handina kumbobvira ndakonzera rufu rwemwana uyu. Lazarus akanga achiri mupenyu paakabudiswa mumvura.
“Ndakaenda naye kurwizi, asi handina kumuuraya. Akazofa achangowanikwa uye amai vake vakandichenura pamhosva yandiri kupomerwa pamberi pemapurisa.
“Handizivi zvakare kuti chii chiri kukonzera kugerwa kwemhuri iyi. Asi, kutaura zvazviri, tezvara ndivo vari kukonzera zvose izvi,” anodaro.

Chipatiso akakumbirisa kuna Mambo Mutambara kuti vabvumidzwe kufamba kun’anga nekumaporofita kuitira kuti chokwadi chibude pachena.

Mambo Mutambara vakambosendeka nyaya iyi kwemazuva mashoma anotevera kuitira kuti hama dzaLazarus dzigouyawo kudare iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey