Vonanga madzibaba huroyi

06 Oct, 2021 - 15:10 0 Views
Vonanga madzibaba huroyi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

IMWE mhuri igere kwaChireya, kuGokwe iri kupomera vamwe vanababa vavo kuvaroya inova nyaya yakonzera kuti vasvitsane kudare ramambo weko.

Kwayedza svondo rapera yakawana vemhuri yekwaShanga, kwaNembudziya – kusanganisira vamwe vainge vabva kunyika yeSouth Africa – vakaungana padare raMambo Chireya vachitsvaga rubatsiro rwekuti vafambe nemadzibaba avo kuti musha wavo uchenurwe.

Vamhan’ari munyaya iyi vanosanganisira Advert, Simon, Juniours, Taishuva, Rosina, Sithembile naSithabile Shanga.
Madzibaba emhuri iyi vari kupumhwa huroyi vane chitsama.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (48), vanoti vana vemhuri yekwaShanga vakapotera kudare ravo vachida rubatsiro vachiti vari kuroyiwa nemamwe emadzibaba vavo kuti upenyu hwavo husafambe zvakanaka.

“Vanhu ava vauya nemotokari kubva kuSouth Africa vachiti vanoroyiwa nemumwe wemadzibaba vavo achibatsirana nevamwe. Vanoti vakadzidza asi mabasa haamuke nekudaro vari kutambura.

“Saka vakumbira dare rino kuti rivakumbirire kunanababa ava kuti vafambe vose vatsvage kuri kubva dambudziko,” vanodaro Mambo Chireya.

 

Vachitaura mudare reMambo Chireya, vana vemhuri yekwaShanga vakanongedza mumwe wemadzibaba vavo (zita tinaro) vachiti ndivo vari kunyanya kuvaroya vachibatsirana nevamwe.

“Kwatinofamba tinobata baba ava vachinzi ndivo vakasunga zvinhu zvedu. Takaenda kuchikoro asi mabasa haamuke. Saka tauya kuti tizopotera kwamuri mambo tikwanise kufamba nanababa vedu tiwane kuti chinonetsa chiiko,” anodaro mumwe wevanakomana vemhuri yekwaShanga.

Asi baba vanonangwa ava vanoramba huroyi hwavari kupomerwa.

“Ini handisi muroyi mambo, hamheno ivo vanozvitaura kuti vakazviwana kupi. Chandinetsa ndechekuti vamwe vana vandinogara navo kuno handina kuvaona, ndiri kungoona vabva kuSouth Africa bedzi, vamwe vavo vandatanga kutoona nhasi.

Vanombofambirei vari voga?” vanodaro baba ava.

Mushure mekunge Mambo Chireya vapa mhuri iyi mukana wekuti vafambe vose, vanhu ava vakazotanga kupokana pakusarudza kuti voenda kumuporofita here kana kuti kun’anga uye kupi.

Mambo Chireya nedare ravo vakazoburitsa vanhu ava panze kuti vanotaurirana.

“Chiendai panze munotaurirana mutsvage kwamunoda kuenda,” vanodaro mambo.

Kwayedza yakazobva padare iri ikasiya vemhuri yekwaShanga vachingotaurirana, asi vachiratidza kuti vaisawirirana.

Share This:

Sponsored Links