Vonanzvira mari nedovi

21 Sep, 2022 - 12:09 0 Views
Vonanzvira mari nedovi Nhengo dzeZIDA dzichigadzira nzungu dzedovi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI nevarume vanodarika 60 avo vakaremara uye vanova nhengo dzesangano reZimbabwe International Disability Association (ZIDA) havachamirira kurarama nekupemha sezvo vakazvisarudzira kushanda nesimba kuburikidza nekutenga nzungu idzo vanokanga vachikuya dovi rekutengesa kuti vawane chouviri.

Nhengo dzechikwata ichi dzinowanikwa kuMabvuku, Tafara nekuCaledonia muHarare.

Muchikwata ichi mune madzimai asingaoni, vasinganzwe, vanorwara nepfungwa nevakaremara mitezo yemuviri.

“Takaunganidza mari yekuita mabhindauko aya munaChikumi tichibva tatanga kuita basa mumwedzi wakatevera.

Mabhindauko aya takaavamba mushure mekukurukura matambudziko eraramo yedu isu takaremara nevakuru veZIDA.

Vakauya nepfungwa yemabhindauko akasiyana takazosarudza zvedovi,” vanodaro Mai Dorothy Muzamhindo vanova mumiriri wechikwata ichi kuEastern Region kuMabvuku.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takawaniswa zvidzidzo zvekufambisa mabhindauko (project management) saka mabasa edu ari kufamba zvakanaka.

“Tava kukwanisa kutenderedza mari muboka redu vanhu vachitenga midziyo yavo mikuru, kuendesa vana kuchikoro nekuzvirapisa, pakati pezvimwe zvinodiwa muupenyu. Hatichazi vanhu vanoswera vakagara saka bhizimusi iri rine mari uye rinovaraidza.

“Dovi rinodiwa nevazhinji apo vanoriisa mubota kana muusavi.”

VaEdward Zuze vanoti kana bhizimusi ravo rakura, vanotarisira kuzotengesa dovi kune dzimwe nyika dzakadai seSouth Africa vachiwana mari yekunze.

“Bhizimusi rimwe nerimwe rine matambudziko aro. Michina yatiri kushandisa mukukuya dovi midiki saka zvinoita kuti pazuva tingowana magaba mashoma kana zvichienzaniswa neatinenge tichitarisira kuwana nekudaro zvinoderedza mari yatinowana,” vanodaro.

Chikwata cheZIDA Eastern District Peanut Butter Project chine nhengo 60 uye vanoshuvira kuti kudai vawana michina yakakura yekukuisa neinomenya nzungu kuti basa ravo rireruke.

Mai Marjory Nete vanoti kune vamwe vanhu vanotarisira vakaremara pasi.

“Sevanhu vakaremara, dzimwe nguva tinotarisirwa pasi. Mamwe madzimai dzimba dzakatoparara mushure mekubara vana vakaremara,” vanodaro.

Mai Linet Chinaise vanoti vari kuona shanduko muupenyu hwavo nemhuri kuburikidza nemabhindauko aya sezvo vava kukwanisa kubata mari zuva nezuva vachiita purofiti huru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey