Vonetserana foni ye$80

11 Jul, 2014 - 16:07 0 Views
Vonetserana foni ye$80

Kwayedza

5-shopping-apps-to-help-you-save-cash-on-black-friday-and-beyond-da514e2cc9
CHIMBO chekuti vanobhosha “MaSuspects” icho chakaimbwa naKelvin “Killer T” Kusikwenyu chakazadziswa apo mumwe musikana akatengeserwa nharembozha isingashande zvakanaka izvo zvakazoita kuti nyaya iyi isvike kumatare edzimhosva. Tafadzwa Mashozhera akazvuzvurudzirwa kuHarare Civil Court naLoice Sisipence uyo waakatengesera foni yeSamsung S3 Mini ne$80 muchitoro chake.
“Ishe wangu, ndaneta nekukumbira mari yangu kuna Mashozhera nekuda kwekuti foni yake haishande.

“Pandakatenga foni iyi ndakati ndave kumba ndikaona isingapinde maearphones ndikadzokera nayo mangwana acho ndikamuti andipe imwe isinganetse iye akati haadaro muchitoro chake. Akabva avhurisa foni iye nemumwe munhu kuti ibviswe tsvina.

“Ndadzokera kumba ndakati regai nditore mifananidzo ndikaona kuti lense racho rakanga risisiri panzvimbo ndikadzoka zvakare nayo kuti ndigadzirirwe akati munhu wekuti agadzire haapo,” akadaro Sisipence.

“Ndakazoti ndiendewo paWhatsApp zvikanzi nevanozviita munaFirst Street foni yacho yakange iine imwe WhatsApp kare zvaireva kuti foni iyi yakange isiri itsva sekutaura kwakange kwaitwa ndichiitenga.

Ndakadzokera zvakare kwaari ndikati andipe mari yangu nekuti ndaona nhamo nayo iye akati aigona kundipa makumi matanhatu emadhora (US$60) chete.

“Pandakadzokera nayo kechitatu akati ini ndini ndisingagone kushandisa foni. Dambudziko nderekuti iye haadi kundichinjira kana kundipa mari yangu yakakwana, pamwe anotora mukana wekuti ndiri mukadzi,” akadaro Sixpence.

Mashozhera akaudza dare kuti Sisipence haagone kushandisa foni.
“Ini handina mhosva nekuti musikana uyu akatenga foni zvinongoita vamwe vanotenga muchitoro changu.

“Zvichemo zvake hazvipere zvekutoti ini ndave kusvotwa naye. Paakapedzesera kuuya nefoni akati yakange yatsemuka asi ndiye akange aisa mufananidzo wepameso (wallpaper) wakange uchiita kunge yatsemuka girazi.

“Zvese zvaataura hapana chaanyepa asi iye ndiye ane dambudziko,” akadaro Mashozhera.
Mutongi Barbra Masinire akati Mashozhera aifanira kudzorera Sisipence mari yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey