Uncategorized

Vonhonga nhengo dzevana musango

24 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Vonhonga nhengo dzevana musango Vanhu vakaungana panzvimbo panonzi pakawanikirwa mutumbi waTadiwa Makore - Mifananidzo naInnocent Makawa

Kwayedza

Kingstone Mapupu ari kwaMUREHWA

NHENGO dzemuviri dzevana vanofungirwa kuti vakapondwa ndokuchekereswa dzakawanikwa dzakamwararidzwa musango riri mubhuku raMakore, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa svondo rapera.

Nhengo idzi dzisati dzaonekwa, kune kamwana kakomana kemubhuku iri kakatanga kushaikwa apo kakabva pamba kachinorindira bindu ravo.

Chakazotanga kuwanikwa mutumbi unonzi ndewemwana uyu – uyo wainge usina musoro, maoko ose, makumbo ose zvose nemagadziko.

Mukutsvagurudza kwakaitwa, vagari veko pamwe chete nemapurisa vakatanga kudhumhana nemadehenya emusoro – rimwe rinoratidza kuti ratova rakare nerimwe raive richiine ropa asi rakabviswa maziso, shaya nechirebvu nerurimi.

Pakawanikwawo chanza cheruoko rwemwana chinoratidza kuti chitsva asi chakabvuridzwa nemoto, mazino epasi 7 ayo akabata parutivi rweshaya nezvimwe zvinyama.

Izvi zvaita kuti zvinetse kuzivikanwa kuti vana vangani vakapondwa zvichitevera kuwanikwa kwenhengo dzemuviri dzakasiyana idzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, ndivo vanokwanisa kunyatsotaura pamusoro penyaya iyi.

Insp Mwanza

Asst Comm Paul Nyathi havana kubatika panhare dzavo kuti vataure neKwayedza.

Kuwanikwa kwenhengo dzemuviri idzi kunotevera kuonekwa kwakaitwa mutumbi wemwana mukomana aive nemakore manomwe okuberekwa uyo waive wakachekwa-chekwa dzimwe nhengo dzinosanganisira musoro, maoko, makumbo nemagadziko munzvimbo iyi.

Mutumbi waTadiwa Makore – uyo aigara nevabereki vake mubhuku raMakore – ndiwo wakawanikwa wakabviswa dzimwe nhengo pedyo nebindu ravo.

Mutumbi wemwana uyu, uyo anga achiita Grade 1 paNyamutumbu Primary School, unonzi wakawanikwa nemusi weChishanu chakadarika mushure mekunge atsakatika neChina.

Tadiwa anonzi akatumwa kunorinda bindu revabereki vake nemusi wa17 Gunyana ndokubva atsakatika zvachose.

Vabereki vemwana uyu vanonzi vakamutevera kubindu uko vaida kunodiridza muriwo ndokusvikomushaya asi ndokuwana shangu dzake nechikafu nemvura yekunwa zvaainge agadzirirwa zviriko.

Mushure mekushaya mwana uyu, zvinonzi vakatanga kumutsvaga vachibatsirana nevanhu vemunharaunda kusvika pakati peusiku.

Zuva rakatevera, ndipo pavakazozowana mutumbi wake wakachekwa-chekwa.

Pane mashoko ari kubva kuhama dzaTadiwa nevemunharaunda anoti musoro wakawanikwa uchinzi ndewake hausi wake, asi kuti wemumwewo mwana anogona kunge anga ava nemakore 12 okuzvarwa.

Izvo zvabva zvaita kuti pave nefungidziro huru yekuti kune vana vanogona kunge vari kupondwa nemadzuramwoyo.

Asi vanotaura vanoti hakuna kwavakanzwa kuti kune mwana akashaikwa munzvimbo yavo.

VaIsaac Makore (57) – avo vanova sekuru vaTadiwa – vanoti deheny’a rakawanikwa richiri nyoro iri pane mashoko ari kubuda ekuti harisi remuzukuru wavo uyo aive nemakore manomwe asi kuti ndere mwana ane makore 12 uye asati azivikanwa.

Izvi zvabva zvambomisawo hurongwa hwange huchiitwa hwekuti vavige mutumbi waTadiwa sezvo pava kumboitwa ongororo dzekutsvaga kuti uyu musoro waani.

Nemusi weChipiri pakasvika Kwayedza pamusha uyu, vanhu vashushikana nemashura aya, asi vabereki vaTadiwa vainzi vainge vari kuHarare uko ongororo nekuferefetwa kwenyaya iyi kwaifambira mberi.

“Muzukuru wangu Tadiwa takamushaya ndokuzowana mutumbi wake wakabviswa dzimwe nhengo dzinosanganisira musoro, maoko, makumbo uyewo pane mazino ari pakasiyana kozoitawo deheny’a rine mazino epasi nerine epamusoro iro risinawo rurimi.

“Rimwe dehenya rinoratidza kuva remwana asi riri rakare kwete rewedu kureva kuti ndere mumwewo munhu,” vanodaro VaMakore.

Vanoti hazvikwanisike kuti deheny’a iri rive remuzukuru wavo sezvo mutumbi wake, nedzimwe nhengo idzi zvakawanikwa mukati memazuva matatu kubva paatsakatika.

Zvinonzi imbwa dzakaonekwa dzave kudya dzimwe nhengo zvikaita kuti vanhu vazowana mutumbi waTadiwa.

VaSimbarashe Makore (38), vanova babamudiki vaTadiwa, vanoti vane fungidziro huru yekuti kune vana vane chitsama vari kutsakatika nekupondwa zvichitevera kuwanikwa kwenhengo idzi.

‘Tave kutya madzuramoyo’

VAGARI vekwaMambo Mangwende, kwaMurehwa, vari kugara vakabatira hana dzavo mumaoko nekutya zvichitevera kuwanikwa kwenhengo dzemuviri dzevana vanofungidzirwa kuti vakapondwa mudunhu iri.

Izvi zvinotevera kuwanikwa kwemutumbi waTadiwa Makore wemubhuku raMakore, kwaNyamutumbu uyo anga  ava nemakore manomwe okuberekwa.

Tadiwa Makore

Mwana uyu akapedzisira kuonekwa achienda kunogarira bindu remuriwo revabereki vake nemusi wa17 Gunyana.

Mutumbi wake wakazowanikwa usina musoro, maoko nemakumbo ose uye magadziko.

Mukuferefetwa kwenyaya iyi, kwakawanikwawo dehenya remusoro rine mazino epamusoro, mazino epasi neshaya dzacho nechanza cheruoko rwemwana icho chinoita sechakapiswa nemoto muchisango chemumusha uyu.

Muhurukuro neKwayedza, vagari venzvimbo iyi vanoti vava kugara vazere nekutya madzuramwoyo uye vane fungidziro yekuti vanhu vari kuita izvi vari munharaunda yavo.

VaSimbarashe Makore (38), vanova babamudiki vaTadiwa, vanoti vave kugara vachitya zvichitevera nyaya iyi.

VaSimbarashe Makore

“Tava kugara tichingotya. Dai mapurisa vakwanisa kusunga mhondi idzi vadzibvisa muno nekuti vana kana nesu vanhu vakuru tingapere kupondwa. Munhu angauraiwe kunge huku here – kuchekwa-chekwa muviri wake wose?” vanodaro VaSimbarashe Makore.

Vakataura mashoko aya vachiratidza vatori venhau kubindu kwakashaikira mwana uyu nenzvimbo dzakanhongwa nhengo dzemuviri wake. Mashoko avo anotsinhirwa naMai Easther Makore (52) avo vanova vatete vaTadiwa vachiti nyaya iyi inofanirwa kuferefetwa zvakasimba.

“Hazvingaiteka kuti uyu wedu mwana angashaikwe sanhasi, mangwana kwava kuonekwa otowora. Vanhu ava vanofanirwa kunge vakaenda nenhengo dzemwana wedu, ndokusiya vakanda kuno dzemumwewo munhu nekuti zviri kunzi musoro wakaonekwa ndewe munhu akura kudarika mwana watakashaya,” vanodaro.

VaSummer Murwira (78) vanova muzukuru kwaMakore uye vane pamusha pakawanikirwa mutumbi waTadiwa vanoti waisava neropa kunyangwe panzvimbo pawakanhongwa.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi anoti, “Handifunge kuti ndipo paakaponderwa pano. Kana huku chaiyo wani ichigozoita ropa rakawanda pakuiuraya? Nyaya ihombe iyi uye tava kutotyira vana. Kana kumagadheni hakuna achada kunogarira mombe kubva pakaitika nyaya iyi, mapindu ave kungodyiwa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey