Vonobaiwa nhomba nehuwandu hwavo

26 Jul, 2021 - 00:07 0 Views
Vonobaiwa nhomba nehuwandu hwavo Vanhu vakamirira kubaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19 pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIPATARA cheParirenyatwa Group of Hospitals muguta reHarare chinoti vanhu vakawanda vari kuendako kunobaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kusiyana nenguva yadarika apo pakatanga chirongwa ichi.

VaLinos Dhire, avo vanova mutauriri wechipatara ichi, vanoti pazuva vari kubaya vanhu vanodarika 1 000 majekiseni aya.
“Vanhu vave kuuya nehuwandu hwavo kuzobaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19. Hakuna munhu anodzokera kumba asina kubaiwa, tinopedza vose vauya.

“Tinotanga kubaya vanhu nenguva dza9 mangwanani tichipedza na5 zuva rodoka,” vanodaro VaDhire.
Pachipatara ichi pane matende akaisirwa basa rekubairwa vanhu nhomba idzi.

“Inyaya inofadza zvikuru kuti vanhu vave kuuya vakawanda kuzobaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere ichi kudarika kare. Vanhu vaimbovhundutsirwa nemashoko enhema aitenderedzwa pamadandemutande asi izvozvi vave kunzwisisa kukosha kwemajekiseni aya,” vanodaro VaDhire.

VaDhire

Panyaya yekuti vanhu vaiungane vachimirira kubaiwa, vanoti vakaisa matende anokwanirana nebasa iri.
“Matende edu ari kukwanira kuita basa iri pasina kuita vanhu chitsokotsoko uyewo tine vashandi vakakwana vakamirira izvozvo,” vanodaro.

VaDhire vanotiwo senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiona hweCovid-19 pachipatara chavo, varwere vose vari kuuya vachida kurapwa vanotanga vavhenekwa chirwere ichi.

“Varwere vose vari kuuya kuzorapwa pachipatara chedu vanotanga vavhenekwa kuti havana here Covid-19, vakabva ipapo vochienda kunorapwa mukati kuzvikamu zvinofambirana nezvirwere zvavo.

“Ukawanikwa uine Covid-19 unobva watotanga kubatsirwa pachirwere ichi nezvimwe zvirwere zvinenge zvaonekwa.”
VaDhire vanoti pane nyaya iri kunetsa yevamwe vanhu vanopokana nekuda kwemitumbi yehama dzavo dzinenge dzafa neCovid-19 vachiti vadikani vavo vaisarwara nedenda iri.

“Taita dambudziko nemashoko emanyepo ari kufambiswa ekuti mitumbi yevanhu vafa nezvimwe zvirwere iri kusanganiswa nezvevanhu vanenge vafa neCovid-19, zvoita kuti zvitunha zvoga zvitapurirane chirwere ichi izvo zvatinoti manyepo.”
Vanoti vanhu vanofa neCovid-19 mitumbi yavo inobva yatorwa ipapo nehama dzavo uye zvitunha zvinenge zvisina kutorwa zvinoendeswa kumochari yechipatara cheWilkins Hospital.

“Hatichengete zvitunha zvevanhu vafa neCovid-19 pachipatara chino, zvinoendeswa kuWilkins Hospital. Izvo zvekuti zvitunha zvevanhu vafa neCovid-19 zvinosanganiswa nezvimwe zvevanhu vafawo nezvimwe zvirwere zvotapurirana denda iri inhema, hakuna zvakadaro,” vanodaro VaDhire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey