Uncategorized

Vonyunyuta nema‘pamper’

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Vonyunyuta nema‘pamper’ Marara emapamper

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vanotaura pamusoro pedanho rinonzi rinogona kutorwa nesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda, reEnvironmental Management Agency (EMA), rekudzika mutemo unorambidza kushandiswa kwemapamper nechikonzero chekuti ari kusvibisa nharaunda uye vamwe vari kutsigira danho iri asi vamwe vachipesana naro.

VaGilbert Mugunzva

Ongororo yakaitwa nenyanzvi inoratidza kuti marara emapamper anogona kutora makore anodarika mazana mashanu asati awora nekuda kwemishonga yejel iyo inoshandiswa kuagadzira.

VaGilbert Mugunzwa, avo vanova environmental inspector kuEMA, vanoti hakusati kwava nemutemo unorambidza kushandiswa kwemapamper kana madiapers muZimbabwe asi unogona kuzovako kana pachinge pakundikana kuwanikwa nzira kwadzo dzekuchengetedzwa kwemarara erudzi urwu.

Antony Chivende

“Sezvatakaita pakurambidzwa kwemaKaylites pasi pemutemo weEnvironmental Management Act Statutory Instrument 84 of 2012, pane mikana yekuzorambidza kwekushandiswa kwemapamper nemadiapers. Asi, hazvingoitwi kana tisati tatanga taita hurukuro nevemakambani anogadzira kuti tione kuti vangatsvaga here nzira dzinoita kuti marara aya asasvibisa nharaunda. Iwo makambani anogadzira mapamper anofanira kutsvaga nzira dzekuti anoraswa sei kana kugadzira mamwe asingasvibisi nharaunda seanowachwa,” vanodaro.

Mai Magaret Mugonda (23) vekuChitungwiza vanoti kushandiswa kwemapamper harisi dambudziko nekuti inzira inorerutsira madzimai nevasikana vebasa pakuwacha tsvina dzevana.

“Zvakatosiyana nekare apo vanhu vaishandisa machira kana manapukeni anowachwa. Tinofanira kufambirana nenguva, chakakosha kuti paitwe tsvakurudzo yekuti mapamper angaraswe nenzira ipi zvisingasvibisi nharaunda,” vanodaro.

Vanoti kumba kwavo vanochera gomba vachiapisa mushure mekunge vaageza.

Zvisinei, handi vose vari kupisa marara erudzi urwu.

VaFrank Masauso (35) vemuHarare vanoti Hurumende neEMA havafanire kudzika mutemo unorambidza kushandiswa kwemapamper.

“Ibasa remakanzuru rekutakura marara emhando dzose pasina kubvunza kuti mapamper here nekuti isu tiri kubhadhara mitero kukanzuru kuti vaite basa nemazvo. Marara emapamper kuzara kwaari kuita munharaunda mucherechedzo wekuti makanzuru haasi kuita basa nemazvo. Mari dzemitero tinobhadhara saka EMA ngaisunge makanzuru kwete kurambidza mapamper nekuti kuuraya mabasa everuzhinji,” anodaro.

Antony Chivende (27) anoti kushandiswa kwemapamper hakuna kuipa asi nhau iri pakushaiswa dzidziso kune veruzhinji maringe nemarasirwo emarara acho.

“Mapamper nemadiapers ruzivo rutsva rwakauya kuti vabereki varerukirwe pakuwacha asi dzidziso haina kupihwa kuvanhu kuti anoraswa sei mushure mekushandiswa. Ndiko kusaka ari kungoraswa pose-pose chero nepamahwindo mumabhazi,” anodaro.

Kuchiti VaMilton Sibonore (32) vemuHarare vanoti vanhu havatodi marara mudzimba dzavo, ndiko kusaka vachinorasira kunze kwechivanze asi dambudziko guru riri pakusatakurwa kwemarara.

“Vemakanzuru ngavaite basa ravo nemazvo vatakure marara nenguva, ndinoona dambudziko iri richiderera. Ngakuve nenzvimbo dzakurasira marara (dumpsite) dzinoita kuti mapamper akwanise kupiswa pasina kusvibisa mhepo inofemwa nevanhu nekuti ane mishonga inokanganisa utano. Mudzimba ngamuvewo nemichina inopisa marara (incinerator) aya pasina kusvibisa nharaunda, asika zvinoda magetsi akakwana nemvura yekugeza mapamper acho rinova dambudziko richiri kunetsa muZimbabwe,” vanodaro.

Brighton Jinguri (24) anotiwo kushandiswa kwemapamper hakufanire kurambidzwa asi kuti marara acho anofanirwa kuvandudzwa achigadziriswa zvimwe zvinhu.

Mbuya Irene Mukono (78) vanova Senior Citizen muguta reHarare vanoti madzimai ngaadzokera pachinyakare chekushandiswa kwemanapukeni anowachwa vasiyane nemapamper.

“Isu vana vedu takavakudza tichishandisa manapukeni saka chisaradhi chekushandisa mapamper ngachipere nekuti ane huchapa. Ini ndinotengesa muguta muno uye ndinoona mapampers ane tsvina akarasirwa pose pose zvinonyadzisa uye zvinoshoresa isu madzimai.

“Tsvina yemwana haifanire kungosvipwa nemunhu wose-wose, zvinoitisa munyama kana hurwere. Hurumende neveEMA ngavarambidze kushandiswa kwawo tisati tapera necholera,” vanodaro.

VaAdonis Faifi vekuChimanimani vanoti Hurumende ngairambidze kushandiswa kwemapamper sezvo kuchiunza huchapa nezvirwere kuvanhu.

VaRogman Muchengapadare vanova murongi kusangano rinorwisa kuraswa kwemapamper pose-pose, reNational Action on Used Diapers (NAPUD), vanoti dambudziko iri rakurisisa muZimbabwe uye riri kukanganisa nharaunda nemamiriro ekunze.

“Kuraswa kwetsvina yemapamper idambudziko guru muZimbabwe nekuti mvura painonaya anoyeredzwa oenda kunzizi dzinotipa mvura yekunwa. Anovhara madhireni anofambisa mvura zvichizopa mitoro kumakanzuru.

“Mapamper ane mishonga yejel iyo inoti kana ikapinda muvhu inokanganisa kuchena kwemvura neutano hwevanhu. Mishonga iyoyo inokanganisa zvakare mamiriro ekunze, ndiko kusaka tichisangana nekupisa kana kutonhora kwakanyanyisa,” vanodaro.

Muguta reBulawayo mune kambani huru inogadzira mapamper iyo yakavambwa kuma1950 ine vashandi vanodarika chiuru.

MuHarare mune zvitorowo zvinodarika zana zvinotengesa mapamper anogadzirwa muno neanobva kunze kwenyika sekuSouth Africa, Malawi neBotswana nokudaro kushandiswa kwwawo kwava pamberi kudarika manapukeni.

Kana EMA ikabudirira kutora danho rekudzika mutemo unorambidza kushandiswa kwemapamper sezvakaitwa pamaKaylites, zviuru nezviuru zvevanhu zvinogona kurasikirwa nemabasa.

Share This:

Sponsored Links