Vonzi ngavararame hupenyu hutsva

26 Nov, 2020 - 13:11 0 Views
Vonzi ngavararame hupenyu hutsva Stalin Mau Mau

Kwayedza

Abel Ndooka

PUROMOTA wetsiva — Stalin Mau Mau — anoti iye zvino kwave nemararamiro matsva nekuda kwechirwere cheCovid-19 nekudaro zvakakosha kuti vatambi vemitambo yakasiyana vatsvage mamwe mabhindauko ekuita pane kungomirira kupemha rubatsiro.

Mau Mau mumwe wemapuromota etsiva kubva muZimbabwe ave nemakore akawanda achisimudzira mutambo uyu izvo zvakamuona achishanda nevatambi vakawanda.

Nguva pfupi yadarika, vatambi 12 vetsiva vari pasi peMau Mau Boxing Stable vange vave kushanda kumakambani aMau Mau vachiita mabasa akasiyana kuti vawane raramo.

Asi Mau Mau anoti kubva pa12 ava, iye zvino kwasara vashanu chete sezvo vamwe vakasiya basa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana zvinosanganisira hunyope uye kusazvibata.

“Dambudziko revatambi vedu nderekuti havadi kushandura mararamiro avo, hupenyu hwakatoshanduka tave nemararamiro matsva izvo zvakakonzereswa                                          neCovid-19.

“Tsiva zvaisiri kutambwa vave kutofanira kutanga kurarama hupenyu hutsva, kutanga kuita mamwe mabasa anovaunzira mari kwete kuti vanenge vachingokumbira mari chete.

“Mitambo ichadzoka hayo rimwe zuva asi iye zvino ngavamboita zvimwe kuti vararame,” anodaro Mau Mau.

Anoti kuuya kweCovid-19 handiko kupera kwehupenyu asi kuti vanhu vanotofanira kutsvaga mikana yakasiyana inounza mari.

Mau Mau anoti pachapera dambudziko reCovid-19 vashoma vanogona kuramba vachitamba tsiva nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Hatidi kunyeperana nguva iri kufamba saka zvakakosha kuti vamwe vatambi vachitanga kutogadzirira remangwana ravo nekuti hatizive kuti tichapihwa riinhi mvumo yekutanga kuronga mitambo muno,” anodaro Mau Mau.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey