Vonzi vakaponda mushandi

22 Oct, 2020 - 09:10 0 Views
Vonzi vakaponda mushandi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemubhuku raMutasa, kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin, akasungwa nemapurisa eko achipomerwa kuponda mushandi wemumusha mavo uye mumwe waanonzi akapara naye mhosva iyi achiri kutsvagwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Fidelis Dhewu, vanotsinhira kusungwa kwaJoseph Sekera (23) vachiti mumwe waari kupomerwa naye mhosva yekuponda iyi, Kamukwemba Tsipa (29), haasati asungwa.

“Mapurisa akasunga Joseph Sekera apo tiri kutsvaga Kamukwemba Tsipa nemhosva yavari kupomerwa yekuponda murume ainzi Given Kanyera (42) aibva kwaMambo Dotito, kwakare kuMt Darwin,” vanodaro.

Zvinonzi Kanyera airarama nekuita maricho apo akanga abva kumusha kwake kwaDotito ndokunogara pamusha uri mubhuku raMutasa. Muchakabvu uyu anonzi rimwe zuva apo akanga apedza mabasa ayo aiita uye kwava kumanheru, akazoenda kumba kwaMandevha uko akasvikoedza kuvhura gonhi remumba maiva murere mudzimai anonzi Susan Chapfunya (33) uyo akavhundutswa nemaitiro aya sezvo hwaiva husiku.

Asst Insp Dhewu vanoti mudzimai uyu akabva aridza mhere achishevedzera vanhu vemumusha kuti vamubatsire apo Sekera naTsipa vakamhanyira pamba apa ndokuona Kanyera achifamba-famba pachivanze.

“Vaviri ava vanonzi vakaedza kutaura naye akatadza kuvapindura zvakavagutsa apo Joseph Sekera anonzi akamurova kakawanda nembama kumeso. Panguva iyi, Kamukwemba anonzi akazonhonga chidhinha ndokumurova nacho mumusoro nepamhanza ndokubva akuvara zvikuru,” vanodaro Asst Insp Dhewu.

Vaviri ava vanonzi vakazosiya murume uyu vasina kumuendesa kuchipatara kana kunomhan’ara kumapurisa.  Mushure memazuva, Kanyera anonzi akazotanga kunzwa kurwadziwa kwakanyanya apo akazoenda kukiriniki yeKaitano kuti anorapwa uko akasvikoudzwa kuti atange anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Kanyera akazomhan’ara nyaya iyi ndokubva azobatsirwa pakiriniki apa ndokupfuudzwa kuchipatara cheKaranda uko akanoshaika asati abatsirwa. Mapurisa akazoferefeta nyaya iyi vachibva vasunga Joseph Sekera apo Kamukwemba Tsipa achiri kutsvagwa.” Asst Insp Dhewu vanokudzira vanoziva kuna Tsipa kuti vazivise mapurisa.

Share This:

Sponsored Links