Voongororwa gomarara pachena

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Voongororwa gomarara pachena

Kwayedza

Patrick Shamba —
VANHUKADZI vane denda regomarara rezamu vava kuzoongororwa chirwere ichi pachena pachipatara cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo.

Vachikumikidza zviri pamutemo muchina mutsva unoongorora gomarara rezamu pachipatara ichi nemusi weChina svondo rapera, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa vanoti vanhukadzi vachaongororwa gomarara rezamu pachena senzira yekurerutsira varwere.

“Tawirirana kuti muchina uyu uchashandiswa kuongorora madzimai pachena, hapana zvekubvisa mari pakuongororwa. Tichaitawo kuti pachipatara chino pave nenyanzvi mubasa rekuongororwa kuitira kurerutsira veruzhinji,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Muchina unodaidzwa kuti MAMMOGRAM uyu unokosha mari inosvika US$500 000 uye wakatengwa neNational Aids Council (NAC) nechinangwa chekurerutsira varwere vegomarara rezamu. Zimbabwe yose ine michina mitatu bedzi yerudzi urwu – uri kuParirenyatwa Group of Hospitals muHarare, uri kwaMutare nemutsva wakakumikidzwa kuMpilo.

Vachitaura kuvanhu vainge vakaungana avo vaisanganisira vakuru veNAC, vechipatara cheMpilo, vatori venhau nevagari vekuBulawayo, Dr Parirenyatwa vanoti: “Ndinofara zvikuru kukumikidza muchina uyu, uchabatsira madzimai zvikuru.

“NAC yaita basa guru mukurwisa HIV neAIDS uye yaona zvakakodzera kuti irwisewo denda regomarara. Ndokusaka yakatenga muchina uyu. Dziviriro yakakosha, kwete kuHIV bedzi asi nekune zvimwe zvirwere zvakaita segomarara nemarariya. MuZimbabwe tava nevanhu vanosvika miriyoni avo vari pamishonga yemaARV, kureva kuti NAC iri kuita basa rakanaka.”

Dr Parirenyatwa vanoti gomarara rezamu riri pachinhano chepiri pakubata vanhukadzi muZimbabwe. Gurukota iri rinokurudzira vanhurume kuti vaongororwe gomarara repadundiro. “Vose varume kubva pamakore 40 zvichikwira munofanirwa kuongororwa gomarara redundiro nguva ichiripo,” vanodaro Dr Parirenyatwa.

Mukuru wechipatara cheMpilo Central Hospital, VaLeonard Mabande vanoti zamu remudzimai rakakosha zvikuru nekuda “kwemabasa makukutu arinoita”.

Muchina uyu usati wakumikidzwa zviri pamutemo, chipatara cheMpilo change chichibhadharisa $25 kuongorora gomarara remuzamu kuvarwere vasingawane mari dzakawanda kuchiti $50 kune vanowana, kusanganisira vanorapiswa ne “medical aid”.

Chamangwiza weNAC, Dr Tapiwa Magure, avo vakamboshanda paMpilo makore adarika, vanotendwa nekuyeuka “kwavakabva” kuburikidza nekutengwa kwemuchina uyu.

Zvichakadai, NAC inoti zvakakosha kuti munhu wose azive kuti ane utachiona here kana kuti haana.

Zvirwere zvakasiyana-siyana zvinowana mukana wekuparadza utano hwemunhu kana achingewo aine HIV asi asiri kunwa mushonga.

Share This:

Sponsored Links