Vopatiswa musha nemoto weminana . . . chikafu chichiitirwa tsvina

24 Aug, 2021 - 16:08 0 Views
Vopatiswa musha nemoto weminana  . . . chikafu chichiitirwa tsvina Imba yakatsva

Kwayedza

Kingstone Mapupu
 MHURI igere mubhuku raGavaza Muzanenhamo, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa yasvika pakupata musha ichinogara musango mushure mekupisirwa dzimba dzose, mbatya, midziyo nechikafu nemoto uri kungobaka woga apo vanhu vanenge vachitemwa nematombo anonaya achibva mumhepo kana kukwaturwa nembama.

Anotanga moto uyu kana anovakwatura nembama nezvibhakera nekuvabvutira chikafu panguva yekudya havamuone.

Pamusoro pazvo, vanhu vemumhuri iyi vanomwaiwa mavhu kumeso nemiviri wose, rimwe richidirwa muchikafu kana vabika.
Mhuri yekwaTsapo ndiyo yatarisana nemashura aya.

Sekuru Lameck Tsapo (82) vanoti vave kugara musango sezvo pamusha pasisina dzimba uyewo vanokwaturwa nembama kana nezvibhakera vachitemwa nematombo nezvinhu zvavasingaone.

Izvi zvave nemwedzi nemasvondo anoraudza zvatanga.

“Zvakatanga tichingopotserwa nematombo nezvidhinha zvaingobva mudenga kusanganisa nendove tose tichirohwa – inini, mudzimai wangu nevana. Ini ndakatemwa ndikatokuvadzwa mumusoro nezidombo rakangobva mumhepo, ronda rava kutopora izvozvi,” vanodaro Sekuru Tsapo chiso chavo chichisiririsa.

Vanoti mushure mekuita mazuva mhuri yavo ichitemwa nematombo, kwakazotanga kutsva imba yavo yekurara iyo yakangobvira bhegi raiva nembatya ichibva yabatira yose.

“Imba yakatanga kutsva ndeyekurara ine dzimba mbiri iyo yakatsva zvekuparara. Mushure memazuva, kwakazobatira bhedhuru remwana wangu mukomana nemuroora rikaparara zvose nemidziyo yaivamo.

“Kwadarika mazuva kuchibva kwazotsva hozi zvirimwa zvose zvikaparariramo,” vanodaro Sekuru Tsapo.

Vanoti kubva pavakatemwa musoro nematombo anobva mumhepo, wava kungogara uchitema.

Mugore ra2019, Sekuru Tsapo vanoti pane imba yavo yekubikira yakangotanga kutsva vakashaya kwakatangira moto wacho.
“Imba yedu yekubikira yakangotsva mugore ra2019 tikashaya kwakabva moto. Pamwe ndidzo mviromviro dzacho, hamheno. Tose tave kugara panze nemhuri nevaroora, ini ndinorara nekugara zvangu musango nekuti ndikangosvika pamba matombo anobva atanga kunaya achinditema,” vanodaro.

Sekuru Tsapo vanoti pane mwana wemakore gumi okuberekwa uyu anonyanya kudirwa mavhu nekutemwa nematombo zvekusvika pakutoshaya mufaro nedambudziko iri.

Vanoti vakambotora mushonga weraki wekuti vadiwe nevasikana makore ekuma1960 izvo zvavanofungira kuti pamwe ndiwo muti wapanduka uyu sezvo wakatsvira mumba yavo yekurara umo waiva mukabhodhoro.

“Ndakatora mushonga weraki wekudiwa nevasikana kuGuruve tichivaka madhirihora evarungu mumapurazi. Handizive pamwe ndizvo zvave kukonzera dambudziko iri.”

Sekuru Tsapo vanoti pamwe moto uyu nemamwe matambudziko zvinogona zviri kukonzerwawo nengozi yemwana wemudzinza ravo uyo akapondwa kana kuti hanzvadzi yavo yakapondwa nemurume kare.
Sekuru Tsapo mudhikoni kuchechi yeChurch of God.

 Mhuri iyi inoti iri kuchema kuruzhinji kuti dai vabatsirwa kuvaka dzimba nekutengerwawo mbatya nechikafu uye nekuyamurwa kuti dambudziko iri rivaperere.

Mudzimai wavo, Mbuya Elizabeth Tsapo (76), vanoti moto uyu usati watanga, magumbeze aimboburitswa mudzimba nezvinhu zvavaisaona achirasirwa panze apo aitirwa weti netsvina yemunhu kusvikira kwakazotanga kupotserwa matombo nekubvira kwedzimba.

 “Tine mwana wemakore gumi musikana anonyanya kutemwa nematombo aya uyewo nekudirwa jecha. Dzimba dzapera kutsva kusanganisira magumbeze, mbatya, mawodhiropu, ndiro, mapoto, mibhedha, hupfu, chibage, mabhuku evana vechikoro nemagwaro ekuzvarwa nezvimwe hapasisina chatinacho pano,” vanodaro Mbuya Tsapo.
“Mukati mezvinhu zvakatsva maiva nemari yechechi US$500 neimwewo yedu semhuri US$20.”

 

Vanoti vari kutorerwawo chikafu mumaoko nemumapoto zvinoita kuti vagare nenzara.

Tikatizira kuvavakidzani kana kuhama, matombo aya anotevera achitema vanhu kusanganisa nesu. Tinorohwa mbama nezvibhakera zvakasimba tichitswinywa uyewo kurumwa nezvinhu zvatisingaone,” vanodaro.

 Mbuya Tsapo vanoti murume wavo anonzi zvakare ane mushonga wemubobobo uyo unogona kuve nechekuita nekutsva kwemusha uyu.

Sekuru Tsapo vanotsenga-tsenga mukanwa pavakabvunzwa pamusoro penyaya iyi.

“Nyaya yekuti ndine mushonga wemubobobo iri kutaurwa, ini handingazive sezvo mukufamba usingazoziva paunobata,” vanodaro.

Judith Tsapo (42), mwanasikana wepamusha uyu, anoti baba naamai vake vane zvavanoziva zvavasingade kutaura nekuda kwedambudziko iri.

“Ini ndakatemwa nematombo ndikabuda ropa. Kwese kwatinofamba baba naamai vari kutaurirwa mamiriro emusha. Tinoda kuti dambudziko iri ripere tibatsirwe,” anodaro Judith.

Happymore Tsapo (39), gotwe remhuri iyi, uyo akawanikwa neKwayedza achangobva kuBotswana kwaanoshandira, anoti akasvika musha wose wapera kutsva vanhu vachitemwa nematombo nekudirwa mavhu.

VaTapfumanei Gavaza (41), avo vakataura vakamirira sabhuku, vanoti chishuwo chavo kuti mhuri iyi ibatsirwe.
Votaurawo nezviri kuitika kumhuri iyi, Sekuru Bonface Katerere (64) vekuUzumba vanoti mumhuri iyi munofanirwa kunge muine munhu akabata mishonga yakaipa.

“Vanhu ava ngavataure chokwadi vabatsirwe nekuti pane mishonga yesandawana kana kuti yemheni, zvidhoma mukati zvinoda kubviswa,” vanodaro Sekuru Katerere.

Share This:

Sponsored Links