Muchaneta Chimuka
SANGANO rezvemitambo rePace Atheletics Club riri kuronga kuita mujaho weHeroes Half Marathon senzira yekurangarira magamba akazvipira kurwira rusununguko rweZimbabwe.
Collen Makaza anova mutungamiriri wesangano iri anoti zvakakosha kuti veruzhinji vazive nhoroondo yekwakabva nyika kusvikira payave nhasi uno.
“Tichange tichipemberera kushinga nekuzvipira kwemagamba enyika yedu. Mujaho wekutanga weHeroes Half Marathon haungori mujaho chete, asi une donzvo rekurangarira varume nevakadzi vakashinga kurwira rusununguko rwedu. Tichatanga mutambo wedu nemusi wa10 mwedzi uno.
“Nzvimbo dzichapihwa vanhu mvura yekunwa tichadzitumidza mazita senzira yekurangarira varume nevakadzi vakafira rusununguko rwedu,” anodaro.
Anotenda kunaVaRobert Bhamu vanova mutungamiriri weHills Fitness Club achiti kushanda kwavo nekuzvipira kunoita kuti mutambo uyu unge uchibudirira.
“Tichange tiine zvikwata zvemujaho zvinosanganisira vachamhanya 5 km, 10 km ne21 km uye munhu wese anogona kubatana nesu mukupemberera magamba enyika yedu,” anodaro.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvichabatana nemusi weMuvhuro unotevera mukupemberera zuva guru remagamba (Heroes Day) pamwe neremauto (Defence Forces Day) nemusi weChipiri.