Kwayedza

Vopemha rubatsiro rwevana

Vamwe vesangano reInspire Tutors

Munyori weKwayedza
SANGANO rakazvimirira, reInspire Tutors iro rinoshanda nenherera mukuvandudza dzidzo yavo – kunyanya vanotambudzika nekunyora nekuverenga rinove dambudziko rinozivikanwa seDyslexia – riri kutsvaga mari yekubatsira vana ava kuti vawane mukana wekufunda sezvinongoita vamwewo.

Mwana ane Dyslexia anenge achitambudzika nekuverenga, nekunyora mazwi nemanhamba sekuti anogona kupindurudza vara “p” na”q” kana kuti “b” na”d”.

Sangano iri nemusi weMugovera uno richaita chirongwa chekufamba (walkathon) chekupemha mari yekubatsira vana nherera vane dambudziko reDyslexia kuMukuvisi Woodlands Nature Reserve iri kuEastlea, muHarare. Vanhu vachange vachifamba makiromita anobvira pa3, 5, 8 ne10.

Pagedhi pachange pachibhadhariswa vanhu vakuru $10 apo vana vane makore ari pasi pegumi nemaviri okuberekwa vachibhadhara $7.50. Mari iyi ichashandiswa mukubatsira vana vane Dyslexia.