Uncategorized

Vopfirira dzimba netsanga

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Vopfirira dzimba netsanga Junior Sithole (kuruboshwe) achinongedzera imba yaipfirirwa netsanga pamusha paMbuya Chipo Dadirai Simango avo vaive vakamira pamadziro nemuzukuru wavo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekwaNyashanu, kuBuhera, vatarisana nedambudziko rekushaya huswa hwekupfiririsa dzimba dzavo izvo zvave kukonzera kuti vamwe vavo vagume voshandisa tsanga.

Dunhu reBuhera rinonzi harimere huswa hwakakura kunze kwemitsvairo nehumwe hudiki.

Zvisinei kuti dambudziko iri rinowanikwa mudunhu rose reBuhera, kupfirira dzimba netsaka kunonzi kwakanyanya kunzvimbo dzinosanganisira Zangama, Matsetsa, Chapanduka neMagamba.

Kwayedza yakashanyira dunhu iri ndokusvika nepamusha paMbuya Chipo Dadirai Simango (70) vemubhuku raZuvarimwe apo paipfirirwa imwe imba yavo netsanga.

“Kuno hakuna huswa, tinotopfirira dzimba nehuswa hwemitsvairo kana tsanga. Munoona kuti dzimba dzacho matenga adzo haasimbe izvo zvinoita kuti agare achidonha kana kujuja mvura munguva yekunaya.

“Hatina mufaro munguva yeZhizha. Vamwe vane mari vave kupfirira dzimba dzavo nemarata,” vanodaro.

VaNicholas Siyakonza vachiratidza zvitsote zvetsanga zvinoshandiswa pakupfirira dzimba. — Mifananidzo Nicholas Bakili.

Mbuya Simango vanoti vamwe vanhu vanoenda kunzvimbo dziri kure vonotenga huswa uhwo vanotakura kana nemabhazi kuti vapfiririse dzimba dzavo.

“Kazhinji huswa hwekupfiririsa tinohuwana kunzvimbo dzakaita sekumapurazi ekuChivhu, Rusape, Chipinge, Gutu, Bikita nekwaMutare uko hunonetsa kuhutakura sezvo zvichitidhurira pakushandisa mabhazi,” vanodaro. Chiswa chimwe chete chehuswa vanoti vanochitenga ne$1 vozochikwidza ne$0,50c pabhazi uye imba imwe chete inogona kuda zviswa 50 kana kudarika.

Izvi zvinoreva kuti panenge pachidiwa mari inosvika kuma$75 yekutenga huswa pamwe nekutakurisa pabhazi kuti munhu akwanise kupfirira imba imwe chete. “Nekushaya mari iyi, tinozongopfirira nemitsvairo kana tsanga nekuti yekutenga huswa kana marata hatina,” vanodaro. VaNicholas Siyakonza (44) – avo vanoita basa rekupfirira dzimba munzvimbo iyi – vanoti mhando yehuswa hunowanikwa munharaunda yavo hunonetsa kuitisa basa iri.

“Basa rekupfirira rinonetsa zvikuru muno nekuti huswa chaihwo hamuna. Tinopfirira dzimba netsanga kana nemitsvairo. Zvinonetsa kuti uite basa chairo nekuti dzimba dzacho dzinodonha chete,” vanodaro.

Vanoti bundo chairo rinopfiririswa dzimba muBuhera.

Mashoko avo anotsinhirwa naJunior Sithole (38) achiti dai paiwanikwa dzimwe nzira dzekuti vagari vedunhu iri vawane mbeu yehuswa hurefu, voita hwekurima nekuti hunomerako hudiki.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey