Vopihwa nguruve pachena

25 Mar, 2021 - 08:03 0 Views
Vopihwa nguruve pachena Mamwe madzimai ari kubatsirwa neWAU pasipechirongwa chekupihwa nguruve dzekupfuya pachena.

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO reWomen in Agriculture Union (WAU) riri kusimudzira vanhukadzi zvichitevera kudzorerwa kwavakaitwa kumashure nechirwere cheCovid-19 kuburikidza nemabhindauko anosanganisira kuvapa pachena nguruve dzokupfuya.

Muhurukuro neKwayedza, Mai Olga Nhari – avo vanova mutungamiri weWAU – vanoti vakatanga chirongwa chekupa varimi vechidzimai nguruve dzekupfuya nedonzvo rekuti vakwanise kuwana pundutso pamwe chete nemhuri dzavo.

“Tine chirongwa chatakatanga icho tinopa varimi vechimadzimai nguruve nhatu kana dzakawanda pachena. Asi kana tapa nguruve idzi dzabereka, isu tinoti murimi chipawo mamwe madzimai vanova varimi nguruve kuti agosimukira sekusimukira kwaanenge aitawo iye.

“Izvi tiri kuzviita senzira yekuti madzimai asimukirewo agowana zvekuita muupenyu hwavo panguva ino apo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19. Tinoziva kuti ukasimudzira mudzimai wasimudzira nyika yose,” vanodaro Mai Nhari.

Pari zvino madzimai ari kubatsirikana nechirongwa ichi vanosvika 90 kubva kumatunhu ose enyika.

“Patakatanga taive nenhengo 43 avo vataingopa nguruve munhu dzaaida asi iye zvino nhengo dzedu dzawanda, saka tave kupa murimi nguruve nhatu chete.

“Tiri kutoona chirongwa ichi chichifamba zvakanaka, varimi vechidzimai vane chitsama vari kusimukira uye vari kuita mari,” vanodaro Mai Nhari.

Share This:

Sponsored Links