Vopinda nekubuda muZim pamadiro

17 Jun, 2020 - 20:06 0 Views
Vopinda nekubuda muZim pamadiro Insp Mundembe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Chiswiti vekuMt Darwin, kudunhu reMashonaland Central, vanoti vari kushushikana zvikuru nekuda kwevanhu vari kubuda nekupinda muZimbabwe zvisiri pamutemo vachinohodha zvinhu zvekutengesa kuMozambique sezvo izvi zviine njodzi yekuparadzira chirwere cheCovid-19.

Dunhu raMambo Chiswiti rakatevedza muganho wenyika ino neyeMozambique dzichiganhurwa nenzizi Mukumbura naKairezi.

VaShort Kanzou (55) – avo vanova Mambo Chiswiti – vanoti vatambura nekuda kwevanhu vari kupoya pamadiro muganho wenyika vachipinda nekubuda nemudunhu ravo vachinotengesa nekuita zvimwe kuMozambique.

“Dunhu rangu rakatevedza muganho weZimbabwe neMozambique izvo zvinoita kuti zvive nyore pakushanyirana kwevanhu venyika mbiri idzi. Vamwe vacho vakatoroorerana saka kushanyirana kwavo kuri nyore,” vanodaro Mambo Chiswiti.

Vanoti vakatofambisa shoko kumasabhuku avo vachivakurudzira kuti vasunge vanhu vavanoona vachitengesa mumisha vasiri vemudunhu ravo.

“Tatarisana nenjodzi huru mudunhu mangu, yekufamba kuri kuita vanhu vari kubva nekuenda kuMozambique vachinotenga nekutengesa. Vamwe vagara vachifambidzana kana kuroorerana. Saka Covid-19 inogona kuparadzirwa nyore nezviri kuitika izvi,” vanodaro Mambo Chiswiti.

Vanoti dunhu ravo riri muRegion 5 uko kusinganaye mvura zvakanaka zvichiita kuti vanhu vararame nemabhindauko ekuhodha zvinhu vachitengesa.

“Vanhu vekuno vanonotora hove kuMozambique vachidzoka vachidzitengesa. Vamwe vanouya nemupunga nezvimwe saka masabhuku angu nemakomiti avo vari mubishi kutsvaga vanhu vari kutengesa ava – vangava vemuno kana vekunze. Ndakavapa masimba ekusunga vachivaunza kudare rangu kana kuvaendesa kumapurisa.”

Mambo Chiswiti vanoti vanhu ava vari kuonekwa munzvimbo dzemudunhu ravo dzinosanganisira kuChigango, Kamutsenzere, Chimushonga, Gomo, Mavhuradonha, Katarira, Chimbuwe, Kaitano, Kairezi, Chiwenga, Tsenga, Bandimba nepaMukumbura growth point.

“Vamwe vana vedu kuno vanoenda kunotsvaga mabasa vachidzoka saka njodzi yekupararira kwechirwere ichi muno yakakura,” vanodaro.

Vanoti imwe njodzi inogona kusangana nevanhu vari kubuda nekupinda munyika zvisiri pamutemo ava kuputikirwa nezvimbambaira zvakaiswa mumasango eko munguva yehondo yekurwira rusununguko rweZimbabwe.

“Tine vamwe vanoputikirwa nezvimbambaira apo vanenge vachifamba netumigwagwa twemusango utwu kunyangwe zvazvo Hurumende iri kubvisa zvimbambaira izvi. Hongu, dunhu rangu ndinoziva kuti rine nzara izvo zvinoita kuti vanhu vatsvage nzira dzekusunza asi dai vambomira kufamba nekuti tinopera kufa. Ngatitevedzerei zvose zvinodiwa,” vanodaro Mambo Chiswiti.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe vanoti mapurisa ari kusunga vanhu vose vari kuwanikwa vachityora mitemo ine chekuita nekurwisa kupararira kweCovid-19 mudunhu iri.

“Hatina watinosiya semapurisa, tiri kusunga vanhu vachisangana nezvirango zvavo. Tinotenda madzimambo akadai aya nekutitsigira mubasa redu,” vanodaro Insp Mundembe.

Kusvika musi weMuvhuro svondo rino, dunhu reMashonaland Central range rava nevanhu 11 vawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>