Vopunduka negorosi

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vopunduka negorosi VaRishen Gurenje

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHIRONGWA chekurima gorosi kuminda yemadiridziro yeCashel Valley kwaMambo Mutambara, kuChimanimani chobudirira zvikuru izvo zviri kuita kuti varimi veko vawane pundutso.

Vamwe vevarimi vari muchirongwa ichi vanobva mumusha waSabhuku Gurenje nemimwewo yakakomberedza vanoti vari kukwanisa kuraramisa mhuri dzavo kuburikidza nemabasa ekurima.  VaSamuel Gurenje (67) vanoti zvisinei nehudiki hweminda yavo vari kuchinjanisa zvimwe zvirimwa negorosi.

“Takagariswa patsva muminda iyi mugore ra1988 papurazi rainzi Quaggas Hoek umo maimborimwa nevachena vaiva muno nyika isati yasununguka mugore ra1980. Takatanga kupihwa minda iyi tiri varimi 37 tichirima zvinosanganisira muriwo, matomatisi nezvimwe zvinokurumidza kuibva munguva yechirimo nemuzhizha.

“Zvino nhasi tave kupinda muzvirimwa zvakaita segorosi nezvimwe zvinonoka kusvika asi zvichipa mari yakawanda,” vanodaro.

Varimi ava vanotora mvura murwizi rwaUmvumvumvu iyo inofamba yoga pasina kudhonzwa nemahinjini kana magetsi.

Sachigaro wechirongwa cheminda yemadiridziro iyi VaLovemore Maunganidze (66) vanoti zvichitevera kuwanda kwezvirimwa zvavo, zvave kuda kuti vawedzerwe minda iyo vanoti haichafambirana nezvinodiwa.

“Taimborima zvirimwa zvidiki asi zvino tave kupinda mukurima zvirimwa zvikuru zvinoda minda mihombe nekuti ndikarima gorosi ndorima mupunga nezvimwewo kureva kuti munda wangu payeka yandinayo hapachina pamwe pekurima,” vanodaro.

Mai Caroline Bandera (45) vanoti varimi vakawanda vave kurima gorosi. “Mvura yedu inotikwanira saka tinoda kuti dai migero yemvura iyi yatambanudzwa kusvika kune mimwe minda yedu iri mukati memakomo nepamipata,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaRishen Gurenje (41) vachiti, “Hatife nenzara kuno kuburikidza nekurima uku tinoti dai minda yedu yakudzwa chete.”

 

Share This:

Sponsored Links