Vopunduka nehuku dzemazai

12 Mar, 2020 - 15:03 0 Views
Vopunduka nehuku dzemazai Varimi vehuku nemazai

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

Varimi vadiki vekuGoromonzi vari mubhizimusi rekupfuya huku nekuchengeta mazai vakaumba sangano ravo iro riri kuvabatsira kuwana misika yakati tsvetere yemuno neyekunze uye nekunzvera matanho ekusimudzira mabhindauko avo.

Izvi zvakabuda pamusangano weSmall-holder Poultry Conference wavakaita paChogugudza Primary, kuDomboshava nguva pfupi yadarika.

Vaive muyenzi mukuru pachiitiko ichi, Mai Prisca Dube avo vanova District Administrator weGoromonzi vakatenda zvikuru hurumende yeGermany nesangano rePartners for Integrated Growth and Development (PIGAD) nekutsigira varimi vadiki vekumaruwa nevemumaguta kuti vakwanise kuwana misika.

“Chirongwa chino chiri kuitwa pasi pedingindira rinoti ‘Kubura purofiti panguva ino yemamiriro akaita zvinhu’. Tinofara zvikuru nemushandipamwe weGoromonzi Small-holder Producers Union Co-operative Society nePIGAD une chinangwa chekugoverana ruzivo maringe nebhizimusi rekurima nekuti ndiwo musimboti weupenyu munyika muno. Dzidziso yakadai kana ikaramba ichipakurirwa kuvarimi vanowanikwa vachibura purofiti kakapetwa nekuti vanenge vava kuziva zvinodiwa mumisika, zvikuru panyaya dzekuvandudza zvirimwa zvavo,” vanodaro.

Varimi vadiki, vanodaro Mai Dube, vari kuita basa guru rekusimudzira raramo yeruzhinji – zvikuru sei vanopfuya huku dzingava dzenyama kana dzemazai idzo dziri kudiwa zvakanyanya mumisika.

“Kuburikidza nenyama yehuku uye mazai, tinowana mapuroteni. Sangano reFood and Agriculture Organisation rakaona kusimukira kwakanyanya kwebhizimusi rekuchengeta huku nemazai muZimbabwe kuti riri kuunza chikafu cheveruzhinji nechikamu che2/3rd,” vanodaro.

Vanoti zvichibva muongororo iyi, vakaona zvakakodzera kuti vachengeti vehuku, vauchiki, vagadziri vechikafu chehuku, vanoona nezvekutsotsonywa kwemazai uye vatsigiri vavo vashande pamwe kuti vaumbe chisungo chimwechete chinoita kuti munhu wese awane purofiti pasina kudzvanyirirana.

Chirongwa ichi chiri kubatsira mhuri 3 300 mudunhu reMashonaland East.

Sachigaro wePoultry Union VaSmart Munamba vanoti chirongwa chekuchengeta huku munzvimbo iyi chakatanga mumwedzi waChikunguru 2015 mushure memusangano weGood Food Festival uyo wakaitirwa muHarare.

“Zvakatanga nevarimi vekuWard 11 vaibva kuGoromonzi District avo vaichema nenhau yekushaya misika yekutengesera mazai avo. Panguva iyi, varimi vanodarika 2 100 vakanga vari kuwana mazai akawandisa anosvika 100 000 pazuva nokudaro pakanga paine makwikwi mubhizimusi rekutengesa. Varimi vakanga vakarongeka mumapoka avo zvakaita kuti vaumbe sangano rinovamiririra vachitaura nezwi rimwechete maringe nenhunha dzavanosangana nadzo mubhizimusi,” vanodaro.

VaMunamba vanoti varimi vadiki vehuku vari kushanda pamwe mukuunganidza mazai avo vachiatengesa kumisika mikuru zvekuti vava kutokwikwidza nevarimi vakuru.

“Tave kukwanisa kutsvaka mari dzinotsigira varimi vedu kuti vatenge zvinodiwa mubhizimusi ravo sezvo tiri boka rakanyoreswa zviri pamutemo rine donzvo rekutsigira varimi vehuku,” vanodaro.

“Tinobatsira varimi vedu kuti vawane misika yakati tsvetere muno nekunze uye kuvapa ruzivo maringe nezvirwere zvinobata huku zvakadai seAvian Influenza neNew Castle pakati pezvimwe, mamiriro ekunze uye nzira dzekuti varimi vedu vakwanise kuwana mari dzezvikwereti,” vanodaro.

Varimi ava vanoti vakatoumba dandemutande rinobatsira mukutengeswa kwemazai avo rinoti: Egg to Go.

Share This:

Sponsored Links