Vopunduka nekupfuya hove

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Vopunduka nekupfuya hove Mabhindauko ekupfuya hove anonzi ashandura hupenyu hwavarimi vari kudunhu raMutasa, kuManicaland Province, zvichitevera kuwanda kwaari kuita.

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MABHINDAUKO ekupfuya hove anonzi ashandura hupenyu hwavarimi vari kudunhu raMutasa, kuManicaland Province, zvichitevera kuwanda kwaari kuita.

Mutasa District livestock specialist, VaShupai Majee, vanoti kupfuiwa hwehove uku kuri kubatsirawo panyaya yekuti varimi vawane chikafu chinovaka muviri nemhuri dzavo.

“Sedunhu, takatsvaga mazano ekupedza dambudziko rekushomeka kwechikafu chinovaka muviri, kunyanya kudya kunopa maprotein,” vanodaro.

“Mafungiro edu aive ekuti sezvo dunhu redu riine mamiriro ekunze akanaka uye nemvura isingapere gore rose, tinokwanisa kuzvishandisa mukupfuiwa kwehove kudzimba dzevarimi.”

Vanoti vamwe varimi vari kupfuya hove vakatovandudza basa ravo nekuritora sebhizinesi uye vari kutengesera hove dzavo kuzvitoro zvakasiyana kwaMutare uko dziri kutengwa zvikuru.

“Tiri kuona kuwanda kwevarimi vari kupfuya hove kwose kumaruwa nemudhorobha uye nekuzvikoro zviri mudunhu rino,” vanodaro VaMajee.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zvakakosha kuziva kuti chikamu che90 percent chehove dziri kutengeswa dziri kubva kuvarimi vemunharaunda.

“Kune mhuri dzinodarika 120 dzine mafish ponds uye zvikoro zvesekondari zvepuraimari zvinodarika 10 zviri kuitawo mabhindauko aya.

“Varimi vekwaMutasa vane hove dzinodarika 150 000 idzo dzikazokohwewa panopera mwedzi mishanu kana mitanhatu, sezvinokurudzirwa, dzinokwanisa kuburitsa makgs ari pakati pe40 000 ne50 000.”

VaMajee vanoti Hurumende, yakabatana nemamwe masangano, iri kusimudzira mabhindauko ekupfuiwa kwehove.

Vanoti vanokumbira Hurumende kuti ibatsire mukuongorora chikafu chehove chinotengeswa nezvitoro zvakasiyana kuitira kudzivirira kunyuka kwezvirwere.

Varimi, vanodaro VaMajee, vari kusangana nematambudziko anosanganisira kufa kwehove dzakawanda sezvo vamwe vachiri kunetseka kudzivirira zvipuka zvakasiyana zvinodya hove dzavo.

 

Share This:

Sponsored Links