Vopunduka nemabhindauko

21 Oct, 2021 - 10:10 0 Views
Vopunduka nemabhindauko

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VAGARI vekwaChidikamwedzi Ward 28, kuMuzarabani vosimudzira raramo yavo kuburikidza nemabhindauko emaoko anosanganisira kugadzira zvinwiwa, sipo, sanitizer nemafuta ekuzora vachitengesa.

Ward iyi inotungamirirwa naKanzura Raphael Maruziva uye vagari veko vari kubika chingwa nemabhanzi vachitengesa zvakare pamwe nekupfuya mbudzi nekurima mapindu.
Vanhukadzi vane chirongwa chemukando apo vanokweretesana mari inovabatsira zvakasiyana kusanganisira kuriritira mhuri dzavo.

Kanzura Maruziva vanoti vane chido chikuru chekuona hupenyu hwevagari vemuward yavo huchisikumira kuburikidza nekuita mabhindauko emaoko.

Cde Kasambare vanove nhengo yepurovhinzi mubato riri kutonga reZANU-PF mumwe wevari kudzidzisa vanhukadzi ava mabasa emaoko.

Cde Mable Karichi avo vanoona nezvenyaya dzevanhukadzi muDistrict Coordinating Committee (DCC Women Affairs) vanovimbisa kutsigira vanhukadzi ava nefurawa yekubikisa chingwa nemabhanzi kuti mabhindauko avo afambire mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey