Vopura mari nederere

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Vopura mari nederere VaMutarisi Tsatse nemudzimai wavo - Mai Erenika Tsatse - vachiongorora derere ravo kuGlendale, kuChiweshe nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vanova murume nemudzimai vakagariswa patsva papurazi reAmeroy kuGlendale, kuChiweshe vaita mukurumbira wekurima derere zvavanoti zvavapundutsa zvikuru pane kurima zvimwe zvirimwa sezvo vachiti vanowana mari nguva yose.

VaMutarisi Tsatse (49) nemudzimai wavo, Erenika Tsatse (41), parizvino vakarima hekita imwechete yederere iro rave kuibva.

Vanoti vari kutengesa derere iri kuvanhu vemunharaunda yavo nevamwe vanobva kure vachihodha izvo zvinovapa mari vasina kutambudzika nekutsvaga motokari dzekutakurisa kuti vanotengesera kumisika iri kure.

“Chirimwa ichi hachinetsi kurima sezvo chisingade feteraiza yakawanda nemishonga sezvimwe zvirimwa. Kungorima chete nekudyara tozongofirita zvishoma kuitira tumbuyu. Takadyara mukuvamba kwaZvita gore rakapera uye izvozvi tapfidza nemari, vanhu vanouya vachihodha pano,” vanodaro VaTsatse.

Vanoti pasvondo vanokohwa mabhaketi kana kuti migomo izere derere 25 vachitengesera vanhu apo mugomo mumwechete uchiita $10.

VaTsatse vanoti kunyangwe zvazvo derere iri richizodzikira zvaro maberekero aro nekufamba kwenguva, vari kutarisira mwedzi mishanu kana mitanhatu vachingotengesa chete, mari ichipinda muhomwe.

“Ndizvo zviya zvatinotaura kuti muvhu mune mari uye vanhu tikadaro hatimbofa takafa nenzara. Izvozvi vana vedu vari kuenda kuchikoro, mumwechete ava kuyunivhesiti kuburikidza nemuvhu umu. Isu hatina nhamo, kuwana mari zuva nezuva, hatimirire kuti mwedzi uchapera. Tinorimawo soya beans, butternuts, hanyanisi, chibage, muriwo, matomatisi nezvimwe zvakasiyana zvinounza mari kwatiri,” vanodaro Mai Tsatse.

Varimi ava vanoti vari kubatsirikana zvikuru nekuda kwemvura iri kunaya kudunhu ravo pakuti derere iri ribereke zvakanaka.

“Kana kusisanaye, ndine hinjini hombe yandinodhonzesa mvura kubva murwizi rwaMwenje zvinoita kuti tirime mwaka wese wegore, kusanganisira nechirimo,” vanodaro VaTsatse.

Vanoti vanochinjanisa zvirimwa zvavo nekufamba kwemwaka kuitira kuti ivhu ravo rirambe riine kudya kunokwanirana.

Zvirimwa zvavo zvizhinji, vanodaro VaTsatse,  zvinohodhwa nevanhu vanonotengesa kumisika  yekuGlendale, Mvurwi, Concession, Bindura, Harare nevamwe vanobva kana kuBulawayo chaiko.

“Shungu dzedu ndedzekuti takapihwa minda neHurumende – tinotenda zvikuru – saka tinoti ngatishandisei ivhu redu zvizere inhaka yemadzitateguru,” vanodaro VaTsatse.

Share This:

Sponsored Links