Vopura mari nehuchi

05 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
Vopura mari nehuchi Mabhindauko ekupfuya nyuchi mamwe emapurojekiti ari kusimudzira varimi zvikuru kumativi mana enyika.

Kwayedza

Kudakwashe Chidziya

VARIMI vanodarika 1 050 vekudunhu reNyanga, kuManicaland vabudirira zvikuru kuburikidza nemabhindauko ekupfuya nyuchi vachizomora huchi uho vanotengesa vachiwana pundutso nemhuri dzavo.

Mabhindauko ekupfuya nyuchi aya ari kuitwa nevarimi vari mumawadhi 12 kuNyanga South uye vanonzi vakawana mari inodarika RTGS $4 500 mugore ravo rekutanga kuita mabhindauko aya.

Vachitaura vakamirira gurukota reHurumende reManicaland – Dr Ellen Gwaradzimba – pakuparurwa zviri pamutemo kwemuzinda unobikwa huchi, mumiriri weNyanga South mudare reNational Assembly, Cde Supa Mandiwanzira, vanoti mabhindauko ekumora huchi mamwe emapurojekiti ari kutaridza kuve nebudiriro huru mudunhu iri.

“Kazhinji, mumukoko mumwechete munoburwa huchi hunorema 30 kgs huchizotengeswa RTGS $5 pakg,” vanodaro.

“Ndinofara kukuzivisai kuti varimi vakakwanisa kutengesa huchi hunokosha mari inodarika RTGS $4 500 mugore ravo rekutanga rekuita mabhindauko aya, zvinove zvinofadza zvikuru.

“Kupinda kwevanhukadzi nevechidiki, zvikuru vasikana, mumabhindauko aya zvinhu zvinofadza zvakanyanya.”

Huchi huri kubikwa pamuzinda uhu hunotarisirwa kuzotengeswa kunze kwenyika nechinangwa chekuti varimi vazviwanire mari yekunze izvowo nerumwe rutivi zvinosimudzira hupfumi hweZimbabwe.

“Ndinokuvimbisai kuti tiri pakati pehurongwa hwekuti huchi huri kubikwa pamuzinda uno hukwanise kutengeswa kumisika yakasiyana inosanganisira Starafrica Corporation iyo inoendesa zvinhu zvakasiyana kuzvitoro zvikuru zvemuZimbabwe,” vanodaro Cde Mandiwanzira.

Vachitaurawo pagungano iri vakamirira Manicaland provincial agricultural offcier, Mai Phillipa Rwambiwa — VaJoseph Mukajame avo vanove mutevedzeri wavo — vanoti muzinda wekubika huchi uhu une chinangwa chekusimudzira varimi kuburikidza nemabhindauko anoita kuti vawane chouviri.

“Tinoda kupa masimba ehupfumi kuvanhukadzi kuburikidza nemabhindauko ekurima zvichienderana nezvinogara zvichitaurwa naPresident Mnangagwa kuti ‘Zimbabwe yakazaruka mukuita mabhizimusi’ pamwe nekuti vanhu vange vave nehupenyu hwepamusoro panosvika gore ra2030,” vanodaro.

Mambo Hata vanoti mabhindauko ari kuitwa pamuzinda uyu ari kuvandudza hupenyu hwevarimi vemudunhu ravo.

“Vechidiki vedu vari kupihwa masimba ehupfumi uye ndinoda kutenda vose vari kutsigira chirongwa ichi icho chiri kusimudzira hupenyu hwemazana nemazana emhuri,” vanodaro.

Pagungano iri paive nevamiriri vemapoka akasiyana akabatsira mukuvakwa kwemuzinda uyu anosanganisira IRC, Cesvi, CIMMTY, Bio-hub Trust neMatopos Research Institute (MRI).

Share This:

Sponsored Links